Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yonanga kuMakwikwi e2019 Netball World Cup


Zimbabwe netaball team
Zimbabwe netaball team

Chikwata chenyika chemutambo weNetball chasimuka chine manyuku-nyuku chakananga kuLiverpool, England, kumakwikwi e2019 Netball World Cup.

Chikwata ichi chasimuka nemufaro mukuru uyu chichambozorora muDubai chisati chasimuka kuenda kuManchester uko chichanobata bhazi kuenda kuLiverpool uko kuri kuitirwa makundano epasi rese aya.

Mutauriri wechikwata ichi, VaMaimba Mapuranga, vanoti mukamba mune mufaro mukuru vachiti ivo vasikana ava vanonokerwa nemakundano aya, ayo vanga vachigazdirira zvakasimba.

Kaputeni wechikwata ichi, Perpetua Sachikonye, anoti ari kufara zvikuru sezvo aka kari kekutanga muhupenyu hwake kupinda muEngland uyezve mumakundano makuru eWorld Cup.

Zim netball team capatain Pepertua Sachikonye
Zim netball team capatain Pepertua Sachikonye

VaMapuranga vanoti kunyange hazvo aka kari kekutanga Zimbabwe ichikwikwidza mumakwikwi emhando yepamusoro akadai, vachashamisa vazhinji nematambiro avo.

Zimbabwe iri mugungano rimwe chete neAustralia, Northern Ireland pamwe neSri Lanka asi Sachikonye anoti vachaita nepese pavanogona kuti vabude mugungano iri nekuenderera mberi nemakwikwi.

Zvikwata zvitatu kubva mugungano rega rega pamagungano mana ndizvo zvinoenda munharaunda yechipiri umo zvikwata zvichadamburwa nepakati kupinda mumagungano maviri.

Mumwe mutambi wechikwata ichi, Mercy Mukwadi, anoti kubudirira chete kuenda kuWorld Cup kunoratidza kuti vanokwanisa kukwikwidza zvekutora mukombe uyu.

Patricia Maoladi, uyo anotamba pakati penhandare, ayambira zvikwata zvavari kusangana nazvo achiti iye vasadhrerere Zimbabwe nekuti vanozoyeuka dumba vanaiwa.

Zim netball team capatain Pepertua Sachikonye
Zim netball team capatain Pepertua Sachikonye

Asi Sachikonye anoti zvemukombe zviri kure navo achiwedzera iye kuti vari kumboenda kunodzidza vaine chivimbo chekuti vachabudirira zvekare kuenda kumakundano aya.

Pamusoro pekukwidza kutora mukombe uyu, VaMapuranga vanoti vatambi vemuZimbabwe vawana zvekare mukana wekuonekwa nezvikwata zvikuru pasi rese izvi zvinokwanisa kuvatenga kana vatamba zvakanaka.

MaGems ane basa guru rekuedza kugadzirisa zita renyika iro raipa zvikuru munyaya dzemitambo mushure mekunge maWarriorrs abuda mumakwikwi eAfcon mushure mekurohwa 4-0 neDemocratic Republic of Congo.

MaGems ari kuvhura makundano e World Cup musi wa 12 Chikunguru nemutambo neSri Lanka achizotamba nemusi wa 13 Chikunguru apo ari kusangana neAustralia.

Mutambo wavo wekugumisira mugungano iri uriko musi wa 14 Chikunguru apo Zimbabwe iri kutamba neNorthern Ireland.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG