Accessibility links

Breaking News

Vechidiki muNera Vanoti Pamberi neMusangano Wavo weMugovera


NERA iqoqe okade kwenzakala eHarare
NERA iqoqe okade kwenzakala eHarare

Vechidiki vanomirira mapato ari muNational Electoral Reform Agenda (NERA) vanoti vachaenderera mberi nemusangano uri kurongwa muChinhoyi neMugovera.

Musangano wakarongwa neMugovera uyu wakaziviswa kumapurisa asi kusvika pari zvino mapurisa haasati apindura.

Mukuru wevechidiki muNERA, VaLawrence Tembedza, vanoti vachaenderera nemusangano wavo neMugovera zvisinei kuti mapurisa vachaita sei.

VaTembedza vanoti kunonoka kupihwa mhinduro nemapurisa chitsotsi cheZanu PF chekushandisa mapurisa kuti vozoramba pasisina nguva yekuenda kumatare.

VaTembedza vanoti vacharwisa ani nani achada kurambidza musangano wavo.

Izvi zvatsigirwa nemumwe wevechidiki, Muzvari Abgail Tsoto, uyo anoti misangano yevechidiki iyi iri kugadzirira sarudzo idzo dzichashandura hupenyu hwavo.

Muzvari Tsoto vanoti vachaita zvose zvavanokwanisa kuti musangano weMugovera uyu uyenderere mberi.

Mutevedzeri wemirongi yemisangano muNERA, VaMoses Chibaya, veMDC-T vanotaura zvavo pachikuru vachiti vachaedza kutevedzera mutemo wenyika kuti vaite musangano wavo kunyange zvikatora kuenda kumatare edzimhosva.

Asi VaChibaya vachitaura kunhengo dzevechidiki dzinodarika zana vanoti gore rinouya vachachengetedza mavhoti avo nepose pavanokwanisa.

VaChibaya vanoti ruzhinji munyika harusi kuzobvuma kubirwa kwesarudzo nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, ndivo vanenge vari mukokwa anonyarikana pamusangano weMugovera.

Vamwe vari kutarisirwa kutaura pamusangano uyu ndiAmai Joyce Mujuru, VaMangoma naVa Tendai Biti.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti havana mashoko ekutaura panyaya iyi sezvo vasati vaudzwa zviri kuitika panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG