Accessibility links

Breaking News

MDC Inoparura Hurongwa Hwainoti Hunopa Kuti Sarudzo muNyika Dzisaite Mutauro


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vapakarura muHarare neChina hurongwa hwezvinhu makumi maviri zvavanoti zvinofanirwa kutevedzerwa pose panoitwa sarudzo kuti zvinobuda madziri zvisaramba zvichikonzera mutauro.

Mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vaudza Studio 7 kuti nyika haingarambi ichinetseka nekupopotedzana mushure mesarudzo dzese nekuda kwekusatevedzera nzira dzakanaka uye dziri pachena mukuitwa kwesarudzo.

Zvimwe zviri kukurudzirwa naVaChamisa zvinosanganisira kuwanisa zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukana wekuvhota pasarudzo, kukurumidza kuzivisa vanhu zvabuda musarudzo, kunyoresa vanhu kuti vakwanise kuvhota, pamwe chete nekudzidzisa vanhu zvese zvavanofanirwa kuziva pamusoro pekuvhota.

VaChamisa vanoti veruzhinji havasi kuvimba negwara riri kutorwa nenyika, vachiti bato ravo harisi kuda kuenda kusarudzo dza 2023 zvinhu zvese izvi zvisina kugadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutsigiri weZanu-PF, VaAlex Gakanje, vaudza studio 7 kuti hapana chitsva pane zviri kutaurwa naVaChamisa sezvo hurumende yagara ichiita zvese izvi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG