Zvizvara zveZimbabwe zviri kupikira mhosva dzazvakapara muBotswana zvaratidza maonero akasiyana siyana pamusoro pehurongwa huri kuitwa nehurumende yeZimbabwe neBotswana hwekuzvidzosera kuti zvinopikira kumusha.
Vamwe vanoti hurongwa uhu hwakafanana nekuvakanda mumukanwa mamupere, vamwewo vachiti chirongwa ichi chichavapa mukana wekuva pedyo nehama neshamwari.
Vachitaura neStudio7, VaPatson Patsanza avo vakabatwa nemhosva yekuwanikwa nemidziyo yakabiwa vanoti havabvumirani nechirongwa ichi.
VaPatsanza vanoti hurongwa uhu hauna kunaka nekuti mitemo yenyika mbiri idzi haifanani. Vaenderera mberi vachiti dzimwe mhosva dzinoendeserwa vanhu kujeri muBotswana hadzisi mhosva muZimbabwe.
Nokuda kwenzara inonzi yakapfunya chisero mumajeri emuZimbabwe, VaPatsanza vaudza Studio7 kuti kudzoserwa kwevasungwa kuZimbabwe kwakafanana nekutongerwa rufu.
Chimwewo chisungwa cheZimbabwe, VaNkululeko Maseko, vanoti hurongwa hweBotswana neZimbabwe uhu hauna kunaka nokuda kwemamiriro akaita zvinhu munyika.
VaMaseko, avo vane makore masere vari mujeri reBotswana, vanoti mapurisa nevachengeti wevasungwa venyika iyi vanobata vasungwa zvakanaka zvichienzaniswa nezvinoitika kumusha.
Asi mumwe musungwa anobva kuZimbabwe, VaMcedisi Ndlovu, vaudza Studio7 kuti kudzoserwa kumusha kuri nani pane kupikira jeri kure nehama neshamwari.
VaNdlovu vanoti zviri nani kuti vadzoserwe kumusha nokuti vabereki veruzhinji rwezvizvarwa zveZimbabwe zviri kupika munyika iri hazvina ruzivo rwekuti mabhanditi muBotswana.
Nyanzwi munyaya dzezvekuchengetwa kwevasungwa nemutemo, VaCosmas Gotora, vanoti kunze kwenzara, hurongwa uhu hwakanaka.
VaGotora, avo vanoshanda muBotswana vari gweta rakazvimirira, vanoti vasungwa vekuZimbabwe havana rubatsiro rwavanowana kubva kuhurumende yeBotswana panguva yavanenge vari mujeri.
Vachitaura muparamende yeBotswana mazuva mashoma apfuura, gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwenyika iyi, VaShaw Kgathi, vakati nyika mbiri idzi dzava pachinhanho chepamusoro soro muhurongwa hwekuchinjana vasungwa vari kupika mumajeri enyika mbiri idzi.
Kunofungidzirwa kuti kune vasungwa zviuru zvishanu nemazana matanhatu nemakumi matatu ezvizvarwa zvekune dzimwe nyika mumajeri eBotswana. Zvikamu makumi manomwe zviri zvizvarwa zveZimbabwe.
Facebook Forum