Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inodoma Chikwata cheNhabvu cheWorld Cup Qualifier neSouth Africa


Zdravko Logarusic,
Zdravko Logarusic,

Murairidzi wemaWarriors, Zdravko Logarusic, nhasi adoma chikwata chake chemaWarriors chichaita basa pamutambo we 2022 World Cup qualifier neBafana Bafana yekuSouth Africa.

Chikwata ichi chaunganidzwa kuti chitange gadziriro kunyange hazvo mutambo neSouth Africa wabviswa muna Chikumi kuendesaa muna Gunyana.

Chikwata ichi chine vatambi vese vane mukurumbira kusanganisira Marvelous Nakamba, Tino Kadewere, Knowledge Musona, Prince Dube, Ovidy Karuru, Khama Billiart naMarshall Munetsi avo vari kusimudzira zita renyika zvakasimba vari kunze kwenyika.

Mutambi mutsva muchikwata ichi ndiBrendon Galloway uyo anotambira Luton Town muEnglish Championship uyo achangobva kupihwa pasipoti yeZimbabwe pamwe naAdmiral Muskwe weWycombe Wanderers uyo akapedzisira kutambira maWarriors kare.

Vamwe vatambi vashevedzwa ndiJordan Zemura, Tendai Darikwa, Teenage Hadebe, Jimmy Dzingayi, Perfect Chikwende, Thabani Kamusoko naTafadzwa Rusike.

Vatambi vanotambira zvikwata zvemuno, Ariel Sibanda, King Nadolo, na Carlos Mavhurume, vapihwawo mukana wekuve muchikwata chemakundano akakosha aya.

Maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, avo vanga vachitaura nevatambi ava pamwe nezvikwata zvavo vanoti vari kuona Zimbabwe ichikwikwidza zvakasimba kuenda kuWorld Cup kuQatar uku.

Vamwe vatambi vashevedzwa ndiMartin Mapisa, Talbert Shumba, Divine Lunga, Onismo Bhasera, David Moyo, Knox Mutizwa naTerence Dzvukamanja.

Kunze kweSouth Africa, Zimbabwe iri mugungano rimwe chete neGhana neEthiopia, gungano iro nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaObert Musungo, vanoti maWarriors anokunda.

MaWarriors akatobudirira kare kuenda kumafainari e2021 Africa Cup of Nations ayo vaive mugungano rimwechete neAlgeria, Botswana neZambia.

Asi vari kurwira kupinda mumakwikwi ekupedzisira eWorld Cup kuQatar kekutanga kubva Zimbabwe yawana kuzvitongwa muna 1980.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG