Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inodoma Chikwata cheNhabvu cheMakwikwi eAfcon


Murairidzi wemaWarriors eZimbabwe, Zdravko Logarusic, adoma vatambi avo anoda kuti vamuitire basa mumitambo yeAfcon neBotswana neZambia.

Murairidzi wemaWarriors eZimbabwe, Zdravko Logarusic, adoma vatambi avo anoda kuti vamuitire basa mumitambo yeAfcon neBotswana neZambia.

Hapana shanduko yakakura pachikwata chashevedzwa nechakatamba mumitambo miviri neAlgeria kunze kwevatambi Brendon Galloway, Admiral Muskwe, Thabani Kamusoko, Tatenda Mukuruva, Tendai Jirira na Romario Matare avo vachabatana nevamwe.

Vatambi vagara muchikwata ichi kwenguva refu Marvelous Nakamba, Khama Billiart, Knowledge Musona, Kuda Mahachi, Tennage Hadebe, Tendai Darikwa, Marshall Munetsi, Aleck Mudimu, Tino Kadewere naOvidy Karuru vadaidzwawo zvekare kuzoitira nyika basa mumitambo yakakosha iyi.

Jordan Zemura, Victor Kamhuka, Butholezwe Ncube, Tafadzwa Rusike, Knox Mutizwa, Divine Lunga na Terence Dzvukamanja avo vari kutamba zvinodakadza kuzvikwata zvavo, vapihwawo zvekare mukana wekutambira chikwata chenyika ichi.

Vatambi vanotambira zvikwata zvemuno King Nadolo, Brian Banda, Farau Matare naShadreck Nyasha vaonekwawo kuti vazorwira nzvimbo yekumirira nyika.

Maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, vati vane chivimbo chekuti vatambi ava vachabata basa ravo nemazvo.

Mutauriri weZifa, VaXolisani Gwesela, vati vashevedza vatambi vakawanda kuitira vachakundikana kuuya nemhaka yeCovid 19.

Zimbabwe iri kuda vatambi ava pamitambo miviri yemunzira yeAfcon 2021 iyo iriko musi wa 22 Kurume neBotswana nemusi wa 30 Kurume neZambia.

Pari zvino, Zimbabwe iri pachinhanho chechipiri nemapoinzi mashanu, mapoinzi mashanu pasi peAlgeria iyo iri kutungamira gungano iri.

Botswana ine mapoinzi mana, Zambia iine mapoinzi matatu kwasara mitambo miviri kuti mitambo ipere.

Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvichaenda kumafainari ayo achaitirwa kuCameroon.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG