Accessibility links

Breaking News

VaMutsvangwa Vanoti Korera Munongedzo weKutadza Kutonga kwaVaMugabe neG40 Yavo


VaChristopher Mutsvangwa
VaChristopher Mutsvangwa

Chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaChristopher Mutsvangwa, vanoti dambudziko rechirwere chekorera munongedzo wekutadza basa kwehurumende yaiva pasi pevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vachitaura muChegutu neMugovera apo vanga vachishanyira guta iri mushure mekuwirwa kwaro nedambudziko rekorera iro rauraya vanhu vana pari zvino, VaMutsvangwa vati dambudziko rekorera mucherechedzo wekuti hurumende yevaimbove yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vainge vachitadza basa pamwe nechikwata chavo cheG40.

VaMutsvangwa vati korera chirwere chinowanikwa munyika dzinenge dzakasaririra munyaya dzebudiriro.

VaMutsvangwa vati hurumende itsva yaVaEmmerson Mnangagwa ichagadzirisa nyaya yehutano munyika.

Vachitaurawo pamusangano mumwe chete wavaita nevagari vemuChegutu, gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vati dambudziko rekorera hariperi kana nyaya dzemvura nekuraswa kwemarara dzisina kugadziriswa mumaguta munogara vanhu.

Kusvika pari zvino vanhu vanodarika makumi mapfumbamwe nevashanu varapwa manyoka anofungidzirwa kuti mucherechedzo wekorera uye vamwe makumi mana nevashanu vakambochengetedzwa muchipatara vachiongororwa kuti havana korera here.

Kushanywa kwaitwa nemakurukota ehurumende aya kunotevera kwakaitwa nevakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, VaElias Mudzuri, nemusim weChipiri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG