Gurukota rinoona nezvevakarwa hondo, uye vari sachigaro weZimbabwe National Liberation War Verterans Association, VaChris Mutsvangwa, pamwe nemudzimai wavo, Amai Monica Mutsvangwa, vambomiswa kuva nhengo dzeZanu-PF kwemakore matatu.
Izvi zvakaitwa nemusi weChina napo Politburo yebato reZanu-PF yakasangana ichizeya zviri kunetsa mubato iri.
Pamusangano waro neChina, dare rePolitburo rakadzinga zvachose mubato vamwe vechidiki vaive vatungamiri kumatunhu akasiyana siyana vanoti VaGodfrey Tsenengamu, VaGodwin Gomwe, VaWashington Nkomo, VaKumbhulani Mpofu, VaVengai Musengi, VaEdmore Samambwa, naVaTamuka Nyoni.
Hatina kukwanisa kubata vose vakadzingwa kana kumiswa kuva nhengo dzebato reZanu-PF nekuti vainzi vainge vari mumusangano.
Vakadzingwa nekumiswa kuva nhengo dzebato reZanu-PF ava vanonzi vanotsigira chikwata chinonzi Team Lacoste chinonzi chiri kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Hapana akadzingwa akabva kuchikwata chinonzi Generation 40, icho chinonzi chiri kutsigirwa nemudzimai wemutungamiri webato, Amai Grace Mugabe.