Vamwe vagari vekwamutoko vakapinda mumusangano wakaitwa paMutoko Centre neVOA yakabatana neMedia Centre neChitatu chapfuura vari kukurudzira hurumende kuti itore matanho ekusimudzira mararamiro avo.
Vagari ava vakaisawo mibvunzo kune mumwe akapindawo mumusangano uyu, VaShame Kativhu, avo vaimbove kanzura, vachida kunzwisisa kuti makanzura anombotaurawo here pamusoro pematambudziko avanosangana nawo mudunhu ravo pavanoita misangano yavo.
Vazhinji vevanhu ava vaidawo kunzwisisa mafambisirwo emari dzinobva mukucherwa kwematombo kana kuti black granite mudunhu mavo, vachiti madzishe namasabhuku vanifanirwa kuona kuti vabata nyaya idzi zvine hungwaru.
Chirongwa ichi chaikokerwa nemukuru weMedia Centre VaErnest Mudzengi, uye chakanga chakatsigirwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe.
Facebook Forum