Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vekwaMutoko Vonyunyuta neKushaya Cheuviri Kubva muMatombo Anocherwa Mudunhu Mavo


Matombo anocherwa kwaMutoko anonzi haasi kubatsira kusimudzira dunhu iri.
Matombo anocherwa kwaMutoko anonzi haasi kubatsira kusimudzira dunhu iri.

Vamwe vagari vekwamutoko vakapinda mumusangano wakaitwa paMutoko Centre neVOA yakabatana neMedia Centre neChitatu chapfuura vari kukurudzira hurumende kuti itore matanho ekusimudzira mararamiro avo.

Vagari ava vakaisawo mibvunzo kune mumwe akapindawo mumusangano uyu, VaShame Kativhu, avo vaimbove kanzura, vachida kunzwisisa kuti makanzura anombotaurawo here pamusoro pematambudziko avanosangana nawo mudunhu ravo pavanoita misangano yavo.

Vazhinji vevanhu ava vaidawo kunzwisisa mafambisirwo emari dzinobva mukucherwa kwematombo kana kuti black granite mudunhu mavo, vachiti madzishe namasabhuku vanifanirwa kuona kuti vabata nyaya idzi zvine hungwaru.

Chirongwa ichi chaikokerwa nemukuru weMedia Centre VaErnest Mudzengi, uye chakanga chakatsigirwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe.

Mazwi eVagari vekwaMutoko
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG