Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vanoti Ndivo Vane Mukana Wekuita Mutungamiri weMubatanidzwa weMapato


Joice Mujuru
Joice Mujuru

Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reNational People’s Party (NPP), Amai Joice Mujuru, vanoti hapana chakaipa nekuda kwavo kutungamirira mubatanidzwa wemapato kuitira kuti vabvise VaMugabe pachigaro chekutungamira nyika musarudzo dzegore rinouya.

Vachitaura neChipiri kwaZvimba pakuvigwa kwaamai vemuchengetedzi wavo kwaZvimba, Amai Mujuru vati nhengo dzavo dziri kuvakurudzira kuti vamisidzane naVaMugabe musarudzo dzegore rinouya.

Amai Mujuru vati ivo vanoda kukwikwidza musarudzo dzegore rinouya vachiti hapana chakaipa nekushuwira kutungamira mubatanidzwa wemapato sezvo zvisingarambidzwe.

Amai Mujuru vati zvinoratidza kuitwa kwejekerere sezvo pasati pasarudzwa munhu achatungamira mubatanidzwa wemapato.

Amai Mujuru vati kutungamira kwavo kwakanakira mubatanidzwa sezvo vaine vatsigiri kubva kumauto, mapurisa pamwe nekune vanhu vakagariswa patsva.

Asi nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano ravana chipangamazano re Zimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti zviri kutaura Amai Mujuru hazvina maturo nekuti simba rekuve mutungamiri wehurumende rinobva kuvanhu kwete kumauto.

VaRuhanya vanoti zviri kutaura Amai Mujuru zvekuti vanotsigirwa nedzimwe nhengo dzechiuto nemapurisa hachisi chokwadi chizere sezvo pavakadzingwa mubato reZanu PF hapana wemuchiuto kana kumapurisa akasimudza musoro.

Nyaya yemubatanidzwa wemapato yave kukonzera mutauro munyika zvichitevera kutaura kwevakuru vemapato pamusoro peachatungamira mubatanidzwa uyu.

Masvondo maviri apera mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakayambira vatungamiri vemapato kuti vasarwire zvigaro.

Zviri pachena muMDC kuti vatsigiri vaVaTsvangirai vari kuti VaTsvangirai ndivo vanofanirwa kutungamira mubatanidzwa nekuti MDC-T ndiro bato guru rinopikisa, uye rine nhengo dzakawanda muparamende, kana zvichienzaniswa nemamwe mapato.

Mushure meMDC-T, mune MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, iyo ine nhengo muparamemnde.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG