Accessibility links

Breaking News

Muimbi weChitendero Oparidza Vhangeri Kuburikidza neNziyo


VaTafadzwa Chiwaridzo

Mumwe mukomana wechidiki ane makore makumi matatu nematanhatu VaTafadzwa Chiwaridzo vanoti vari kushandisa chipo chavo chekuimba mukuparidza vhangeri.

VaChiwaridzo vakaburitsa madambarefu maviri kusvika parizvino. Dambarefu rekutanga rinonzi Baba Ndadzoka.

VaChiwaridzo vanoti, “Ndakaimba nokuda kwekuti ndakamborarama zvakashata ndichitaridza Mwari asi ndakazoparidzirwa kudzoka kunashe. Saka ndinoda kuti ndiyedze nepose pandinogona kuti ndiite kuti vanhu vazive Mwari nokuti nguva yapera.”

VaChiwaridzo vanoti vari kunetsekawo nedambudziko rekushaya magitare nezvimwe zvinodiwa pakuimba.

Muimbi wechitendero uyu anoti akabura rimwe dambarefu idzva rinonzi Munondichengeta. VaChiwaridzo vari kukurudzira vechidiki kuti vararame munashe nekuti nyika yananga kumagumo. VaChiwaridzo vanogara kuChegutu kuMashonaland West.

Hurukuro naVaTafadzwa Chivawiro
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG