Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Vakadzinga VaMnangagwa Nokuti Vaivazvidza


VaRobert Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa
VaRobert Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vataura kekutanga kubva pavakadzinga mumwe wevatevedzeri vavo, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti VaMnangagwa vakanga vanonokerwa nekuda kutonga zvekusvika pakuvazvidza.

Vachitaura nevatsigiri vavo neChitatu pamuzinda webato ravo pamberi pemusangano wekomiti yepamusoro yebato ravo yePolitburo, VaMugabe vati vakadzinga VaMnangagwa nepamusana pekuti vakange vovazvidza.

VaMugabe vati VaMnangagwa vakanga vononokerwa nekutonga zvekuti vakange vave kuenda kumapositori kunobvunzira kuti vachatora matomhu rinhi kubva kuna ivo VaMugabe.

Vaenderera mberi vachiti kuita mutungamiri wenyika kunoda vanhu vakazvipira kumirira nguva vachiti rwendo rwekuti munhu azotungamira rwurefu, rwune makuva mukati uye harwuna kudimurira.

VaMugabe vatiwo VaMnangagwa ndivo vaipesvedzera kuti Amai Joice Mujuru vadzingwe mubato vasingazive kuti VaMnangagwa pachavo vaifambisa tsoro yekuda kuzovatorera masimba.

Amai Mujuru vakadzingwa muhurumende pamwe nemuZanu PF vachipomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura VaMugabe.

Murongi wemisangano muboka revechidiki muZanu PF reYouth League, VaInnocent Hamandishe, vatiwo VaMnangagwa vakanga vazadza vatsigiri vavo mumapazi ose ehurumende, vachiti vanhu vose ava vanofanira kudzingwa mubato.

Vataura vakamirira mapurovhinzi ose eZanu PF pamusangano uyu pamwe nevataura vakamirira boka revechidiki pamwe neremadzimai vati vakabvumirana kuti mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vatsive VaMnangagwa semutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Amai Mugabe, avo vataura vachiita kunge munhu aribkuparidza, vati vachaita zvinenge zvataurwa nevanhu.

Vose vari kufungidzirwa kuti vari kutsigira VasMnangagwa vanga vachitsoropodzwa pamusangano uyu uyo washandiswawo nevatsigiri veZanu PF kukumbira ruregerero nekusvereredzwa kwakaitwa Amai Mugabe kumusangano wakaitwa naVaMugabe nevechidiki veZanu PF kuBulawayo pakupera kwesvondo.

Zvichakadai, VaMugabe vati nyaya yataurwa yekuti mudzimai wavo agadzwe semutevedzeri wavo vachaiongorora nezvayo pamusangano wekongiresi yechimbichimbi yakatarisirwa kuitwa mwedzi unouya.

VaMnangagwa vanonzi vambobuda munyika kwechinguva uye pari zvino vanonzi vari muSouth Africa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG