Accessibility links

Breaking News

Zvitoro Zvovharwa neMugovera muChinhoyi Kuitira Musangano waVaMugabe


Chinhoyi Youths
Chinhoyi Youths

Vechidiki veZanu PF mudunhu reMashonaland West vari kumanikidza vemabhizinisi kuvhara neMugovera vachiti munhu wese anofanirwa kunonzwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachitaura panhandare yemitambo paChinhoyi University of Technology.

Vachitaura neChishanu apo vanga vachikokera veruzhinji mumigwagwa kuti vaende mangwana kunonzwa VaMugabe vachitaura pamusangano wavo nevechidiki,

Mumwe mukuru wevechidiki muMashonaland West, VaTapiwa Chitate, vakurudzira vanhu kuti vasashande neMugovera, uye vemabhizinesi kuti vavhare.

VaChitate vayambira vemabhizinisi kuti vavhare mabhizinisi avo, asi havanakutaura kuti vanenge vakavhura vanoitwa sei.

Asi vagari vemuChinhoyi vashora hurongwa hwekuvhara mabhizinisi vachiti vanhu havadye zvematongerwo enyika.

VaMaxwell Chinake mumwe wevagari vashoropodza kuvharwa kwemabhizinisi.

Panyaya yekuti VaMugabe vave murwere anogara ari mundege achienda kuno rapwa kunze kwenyika, mumwe mudzimai, Amai Sibusisiwe Ndlovu, avo vabva kuLupane vanoti vanoda vaVaMugabe vakadaro.

Amai Ndlovu vanoti VaMugabe vane rudo nevanhu sezvo vachivapa mbeu kumaruzevha.

Izvi zvatsigirwa nemumwe wevechidiki, Tatenda Chimuke, ati VaMugabe, avo vafamba kumatunhu mashanu vachisangana nevechidiki, vari kuita zviri kutadzwa nevatungamiri vemamwe mapato.

Mumwe murume mukuru anga achizviti ndewechidiki, VaMusa Jarijari, vanoti vanotarisira kuti VaMugabe vataure nyaya yekupiwa nzvimbo dzekuvaka dzimba dzavakavimbiswa.

Vagari vemuChinhoyi vagamuchira nemufaro kugadzirwa kwemigwagwa iyo yanga yakazara makomba vachiti dai kanzuru ikaramba ichigadzirisa migwagwa kwete kuti zvingoitwa kana VaMugabe vachiuya.

VaMugabe vari kutarisirwa kuvhura kiriniki nenzvimbo yekushandisa michina yekuenda pamadandemutande.

Zanu PF inoti iri kutarisira vanhu vanodarika zviuru zana vachabva kumativi ose emunyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG