Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votyira Kudeuka kweRopa Munyika


Zimbabwe Politics
Zimbabwe Politics

Vanhu vakawanda vanoti vave kutyira kuti munyika munogona kudeuka ropa kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasagadzirisa nyaya yekunetsana kunotyisa kuri kuitika mubato reZanu-PF.

Zimbabwe First Lady
Zimbabwe First Lady

NeChina mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, vakati murume wavo anofanira kubuda pachena kuti ndiyani achatora chigaro chake kuitira kuti kurwisana kunotyisa kwoitika mubato iri kumire.

VaMugabe mbune vakatendawo kuti mubato mavo mune kunetsana kunotyisa uye vakati mauto ave kunyanya kupindira mukurwisana kuri mubato ravo.

Mumwe ari kutevera zviri kuitika muZanu PF, VaWhisper Makuni, vanoti kunetsana kuri muZanu-PF kunogona kukonzera kusagadzikana kwenyika uye vashora VaMugabe nekusagadzirisa nyaya dziri munyika.

Mashoko aya atsinhirwawo nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuSouth Africa, VaNhamo Goronga.

VaJoseph Dhliwayo, avo vari kuSouth Africa zvekare, vanotiwo VaMugabe ndivo vakazvisikira moto muziso nekugarisa pachigaro vachirambidza vanhu kutaura nezvemunhu achatora chigaro chavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paLummumbashi University kuZambia, VaShakespera Hamauswa, vanobumawo kuti nyika yananga kuna taisireva.

Newly appointed Zimbabwean Deputy President Emmerson Mnangagwa smiles at the headquarters of ZANU (PF) in Harare, Dec.10, 2014.
Newly appointed Zimbabwean Deputy President Emmerson Mnangagwa smiles at the headquarters of ZANU (PF) in Harare, Dec.10, 2014.

Mubato reZanu-PF mune kunetsana kukuru pakati pezvikwata zviri kuzivikanwa nerekuti Team Lacoste, iyo inonzi inotungamirwa nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, uye Generation 40, iyo inonzi yave kuda kuti gurukota rinoona nezvemauto, VaSydney Sekeramai, vatore chigaro chaVaMugabe.

Vaimbova mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti VaMugabe vagara vachifarira havo VaSekeramai.

Vamwe veTeam Lacoste vataura neStudio 7 vati mubato ravo matanga kurwisana kunotyisa pakati pemaKaranga ayo anonzi ari kuti Mazezuru neMaNdebele vabatana kuti Makaranga asatore hutungamiri.

Asi nyanzvi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDewa Mavhinga, varamba mashoko aya.

VaMavhinga vashorawo VaMugabe nekuregerera mauto achipindira munyaya dzezvematongerwo enyika vachiti zvapa kuti muve nekusagadzikana munyika.

Zimbabwe Defence Forces Day
Zimbabwe Defence Forces Day

Vamwe muZanu-PF vanonzi vari kukurudzira VaMugabe kuti vamise basa mukuru wemauto,General Constantino Chiwenga, nevamwe vakuru vemauto vari kupomerwa mhosva yekupindira mune zvematongerwo enyika.

VaGumbo vatiwo nyaya yekutadza kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi nekutukana iri kupa kuti zvinhu zvirambe zvakaita manyama amire nerongo munyika, izvo zvave kukonzera kusagadzikana.

Kunyange hazvo vakawanda vari kuti VaMugabe vadome achatora chigaro chavo, mutevedzeri wemunyori wezvemutemo mubato iri, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti vatungamira vanosarudzwa nevanhu pakongiresi.

Bato reZanu-PF rakatozivisa gore rapera kuti VaMugabe ndivo vachakwikwidza musarudzo dzegore rinouya vakamirira Zanu-PF.

Vakadzingwa muZanu PF uye vari mutauriri weZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya, vanoti VaMugabe vanofanirwa kuziva kuti nyika ndeye vanhu vemuZimbabwe, kwete yaivo VaMugabe nemudzimai wavo chete.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti makore avo uye hutano hwavo zvinopa kuti vakawanda vasave nekugadzikana.

VaMugabe vakapinda musarudzo idzi vanenge vave nemakore makumi mapfumbamwe nemana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG