Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopesana Maonero paNyaya yaVaMalema Yekuti VaMugabe Vasiye Basa


FILE - Zimbabwe President Robert Mugabe (L) and his wife Grace look on during the Defense Force's 36th Anniversary celebrations in the capital Harare, Zimbabwe, Aug. 9, 2016.

Kukandirana makobvu nematete kuri kuenderera mberi pakati pebato reZanu-PF nebato rinopikisa kusouth africa reEconomic Freedom Fighters rinotungamirwa naVaJulius Malema.

VaMalema neMuvhuro vakati vanhu vari muZanu-PF magwara uye vanotya kuudza mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, kuti vachisiya basa nekuti vakwegura.

VaMalema vakati havavenge VaMugabe asi hutungamiri hwavo hwave kudzorera Zimbabwe, SADC neAfrica yose kumashure vachiti vatungamiri havafanire kufira pachigaro.

Pasi rose vamugabe ndivo mutungamiri anyanyaya kukwegura. Asi bato reZanu-PF kuburikidza negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaChris Mushowe, rakatukirira vamalema rikatiwo havafanire kupindira munyaya dzematongerwo eZimbabwe uye havafanire kutaura zvekwavasina kuswera.

Vanopikisa muZimbabwe uye vesangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association vagarawo vachiti VaMugabe vanofanira kuenda pamudyandigere.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato rePeople’s Democratic Party VaSolomon Madzore vanoti vanotenderana naVaMalema.

Asi imwe nhengo yeZanu-PF Youth League, VaJim Kunaka, vanoti VaMalema havafanire kupindira mumatongerwo enyika yeZimbabwe.

XS
SM
MD
LG