Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vonanga kuNew York Kunopfachura Nyika Isina Mari yeMushonga


VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe
VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe

Hurumende iri kushorwa zvikuru nenyaya yekusafambisa mari dzebhajeti zvakanaka zvopa kuti vanhu vambopota vachishaya mishonga yakaita semaARV, nemishonga yegomarara, uye mafuta ekufambisa dzimotokari.

Kunyangwe hazvo bhanga guru renyika riri kutatarika kuburitsa mari dzekutenga zvinhu zvakakosha izvi, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kuenda kuNew York, muAmerica nevana vavo, vakuwasha, vamwe vehukama nemakurukota vanosvika makumi manomwe uye vanonzi vari kupihwa mari yakawanda zvikuru.

VaMugabe nechikwata chavo ichi vari kutarisirwa kunge vari muNew York musi wa 19 kusvika musi wa 23 Gunyana.

Nyanzvi munyaya ndzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti zvinhu muhomwe yehurumende hazvina kumira zvakanaka nenyaya yekutadza kubata bhajeti yenyika zvakanaka.

Vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti pose panobuda VaMugabe munyika vanobuda nemari inosvika mamiriyoni mana emadhora zvinopa kuti nyika izotadza kutenga zvinhu zvakakosha.

Va Kanyenze vanoti mari iri kuendeswa kuhofisi yaVaMugabe yakawandisa uye kunyika yakaita seZimbabwe zvinokonzera matambudziko.

Asi nhengo yeZanu-PF inova sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vanoti VaMugabe semutungamiri wenyika vane kodzero yekufamba.

Mukuru wesangano reThe AIDS and Arts Foundation Zimbabwe Program iro rinoshanda nevechidiki vanorarama neHIV/AIDS, VaEmmanuel Gasa, vanoti mimwe mishonga iri kumbopota ichishomeka nenyaya yekusakosheswa kwenyaya dzezvehutano.

Asi vachitaura paVOA LiveTalk, mazvikokota munyaya dzezvehutano, Dr Elophi Sibanda, vakati mushonga weAbacavir wave kuda kubviswa nekuti uri kukonzera mamwe marwadzo.

VaGasa vatendawo izvi asi vakati kuda kutenga mimwe mishonga kuri kukona n’anga murapwa achida.

VaGasa vanotiwo kushandisa mari yemabond notes kuri kutopa kuti zvinhu zviome.

Mukuru wesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Edgar Munatsa, vatiwo mishonga mizhinji iri kushaikwa muzvipatara zvehurumende.

Kunyangwe vatenda kuti mari iri kunonoka kuuya kubva kuReserve Bank of Zimbabwe, gurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vati mishonga yange yave kushaikwa yavepo.

Mune mamwe madhorobha munonzi muri kumbopotawo muchishaikwa mafuta ekufambisa dzimotokari zvinonzi nenyanzvi zvichapa kuti hupfumi hutoenda kumawere.

Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rekushaya simba kwemari yayo zvakapa kuti ishandise mari dzekunze dzakawanda muna 2009.

Asi nekutadza kugadzirisa hupfumi uye nyaya yehuori, hupfumi hwaenda kumawere.

Hurumende inoti zvayo matambudziko ari kukonzerwa nezvirango zvayakatemerwa nenyaya yekutora minda kubva kuvachena.

Asi vanopikisa vanoti zvirango zvakakonzerwa nekutonga nedemo.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG