Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaMugabe Unoendeswa Kumusha Kwavo kwaZvimba


Mutumbi wevaive mutungamiri wenyika, Varobert Mugabe waendeswa kumusha kwavo kwaZvimba.
Mutumbi wevaive mutungamiri wenyika, Varobert Mugabe waendeswa kumusha kwavo kwaZvimba.

Mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe waendeswa kwaZvimba uko vanhu vangangosvika zviuru zviviri vataumbira munhandare yepaMurombedzi Growth Point.

Mutumbi uyu, uyo waenda nechikopokopo chemauto, wasvikira kumba kwavo kwaKutama asi hauna kupinda mumba mavo sezvo wangotorwa nemotokari dzinotakura zvitunha dzeDoves ndokumhanyiswa kuenda kwaMurombedzi uko kwanga kwakaungana vanhu.

Vachitaura parufu apa, sachigaro weZanu PF mudunhu reMashonaland West, VaZiyambi Ziyambi, varumbidza VaMugabe vachiti munhu aida kurangarirwa semunhu akasunungura nyika yake, akapa hupfumi kuvanhu vatema yuezve aida nyika yake.

VaZiyambi vanoti VaMugabe vaida bato ravo reZanu PF kudarika nhengo dzose.

Vachitaurawo pagungano iri mufundisi wekuchiuto kana kuti Chaplin, VaJoseph Nyakudya, vanoti vanhu vakawanda vakawana chimwe chinhu kunaVaMugabe vachiti vakawana munda kuburikidza nechirongwa chekupa ivhu kuvatema.

Mumwe anga ari paMurombedzi nhasi ndiAmai Maidei Kasi avo vanoti vanofara kuti vakawaniswa imba pachirongwa cheGarikayi/Hlalani Kuhle vachiti mumhuri mavo ndivo vega vanemba.

VaZiyambi vanoti vachagara nemhuri kuti vaone kuti mutumbi ungachengetwa sei usati waradzikwa sezvo uchagara mazuva angangosvika makumi matatu.

Mutauriri wemhuri yaVaMugabe, VaLeo Mugabe, vanoti mutumbi wavasekuru vavo ucharara kumba kwavo kwaKutama nhasi wozoendeswa kuHarare mangwana.

VaMugabe vakafa masvondo maviri apera kuSingapore uko vanga vanorapwa nechirwere chisina kutaurwa.

Zvichakadaro pamboita kusawirirana pakati penhengo dzevechidiki dzeZanu PF pamusoro pekupfeka nhumbi dzine mufananidzo wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa parufu rwaVaMugabe.

Mumwe wechidiki anoda kuzivikwanwa nezita rekuti Norest anoti hazvina kumufadza kuti vapfekedzwe nhumbi dzine mufananidzo waVaMnangagwa parufu rwaVaMugabe.

Vanhu vakawanda vanga vasina kupfeka nhumbi dzebato reZanu PF sezvinosiitwa nguva dzakawanda.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG