Accessibility links

Breaking News

EU Inowedzera Rimwe Gore Zvirango Zvayakatemera VaMugabe neMudzimai Wavo

Sangano remubatanidzwa wenyika dzemu Europe, re European Union, EU, razivisa neChishanu kuti rawedzera nerimwe gore kusvika musi wa 20 Kukadzi 2016 zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, pamwe nehurumende yeZimbabwe.

Sangano iri razivisa nezvedanho iri mugwaro raro re Official Journal, richiti VaMugabe nemudzimai wavo vawedzerwa zvirango zvekufamba pamwe nezveupfumi, kuchitiwo nyika yawedzerwa zvirango munyaya dzezvombo.

VaMugabe nevamwe vavo muhurumende vakatemerwa zvirango mugore ra 2002 zvichitevera sarudzo dzinonzi dzakabiridzirwa pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Asi sangano iri rakazonyevenutsa zvirango kune dzimwe nhengo dzehurumende nebato reZanu PF kukasara VaMugabe nemudzimai wavo pamwe nekambani yemauto ingadzira zvombo ye Zimbabwe Defence Industries.

Svondo rino sangano iri rakapa rubatsiro rwemari kuhurumende kekutanga mukati memakore gumi nematatu.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuruwesangano re Centre for Natural Resources Governance, VaFarai Maguwu, vanoti VaMugabe vanofanirwa kuratidza kuti vava kuremekedza kodzero dzevanhu kuitira kuti vabviswe pazvirango izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari munyori mukuru wesangano re Black Business Forum, vari nhengo yeZanu PF, VaTafadzwa Musarara, vanoti zvirango izvi zvinofanirwa kubviswa zvachose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG