Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokurudzira VaZuma Kuti Vabatsirane Mukusunga Vanoshandisa "Social Media" Zvisizvo


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaJacob Zuma, vaita musangano wekudyidzana kana kuti Bi-National Commission muPretoria.

Amai Grace Mugabe havana kuenda kumusangano uyu sezvange zvakatarisirwa nevamwe.

Hapana chikonzera chapihwa nehurumende kuti sei vasina kuenda.

Vamwe vanofungidzira kuti zvine chekuita nemhosva yavari kupomerwa yekurova imwe tsvarakadenga yemuSouth Africa, Muzvare Gabriella Engels, uye ainge aine vana vavo mune imwe hotera muSouth Africa.

Kunyange hazvo hurumende yeSouth Africa yainge yati varegererwe, magweta etsvarakadenga iyi akakwidza nyaya iyi kumatare.

Kunyangwe musangano uyu wange wakanangana nezvemabhizimisi pakati penyika mbiri idzi, VaMugabe vakurudzira South Africa kuti isunge vose vanoshandisa madendemutande eFacebook neWhatsapp zvisizvo.

Izvi zvinotevera mashoko ehurumende yeZimbabwe ekuti kukwira kwemitengo yezvinhu kwakaitika svondo rapera kwakakonzerwa nevanhu vaida kupidigura hurumende.

Mashoko aVaZuma aya atsinhirwawo negurukota rinoona nezvemaindasitiri, VaMike Bimha, vataurawo neStudio7 kumucheto wemusangano uyu vachiti kushomeka kwezvinhu munyika kwakakonzerwa nemadandemutande aya.

Vachitaurawo pamusangano uyu, VaZuma vakakurudzira kuti muganhu weZimbabwe neSouth Africa weBeitbridge ugadziriswe kuitira kudyidzana.

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, vataura neStudio7 vari kumusangano uyu, vati vanotenderana naVaZuma.

VaGumbo vatiwo pane zvimwe zvakakosha zvinoda kuitwa munyaya dzekutakurwa kwezvinhu pakati peZimbabwe neSouth Africa idzi dzakambonetsana nezvenyaya dzendege muna Chivabvu zvakapa kuti ndege dzimire kubhururuka pakati penyika mbiri idzi.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reZimbabwe-South Africa Forum, sangano rinokurudzira kudyidzana kwenyika mbiri idzi, Muzvare Yvonne Katsande, vati kudyidzana kweZimbabwe neSouth Africa kwakakosha zvikuru.

Muzvinabhizimisi vari mukuru wekambani yePeakford Management Consultancy, VaAlbert Mandizvidza, vati vanotenderana nemashoko aya.

Ko Zimbabwe ingawane sei chouviri mukudyidzana uku?

Pakudyidzana pakati penyika mbiri idzi, sangano reZimbabwe Statistical Agency kana kuti Zimstat rinoti Zimbabwe yakatengesera South Africa zvinhu zvemari inosvika bhiriyoni imwe chete nezviiuru zana zvemadhora, $1,1 billion uku ichitenga zvinhu zvakati wandei zvemari inosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu emadhora, $1,3 billion.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG