Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votsamwisa Vakawanda Zvichitevera Kurambira Kwavo paChigaro


Vazhinji vaitarisira kuti VaMugabe vacharega basa
Vazhinji vaitarisira kuti VaMugabe vacharega basa

Mumwe mugari wemuBulawayo, VaEmmerson Madzana, vanoti sevamwe vatungamiri vose vane nhoroondo yekutonga nedemo, hazvivashamise kuti VaMugabe vakaratidza kuti vanoda kuramba vari pachigaro.

Asi vanoti vanoona VaMugabe vachisiya chigaro chavo munguva pfupi iri kutevera.

Izvi zvatsinhirwawo naVaElliot Sithole avo vati vanhu havafanirwe kuwora moyo vachienzanisa nhoroondo yenyika nenhoroondo yekufamba kwevana veIziraeri vachibva muhunhapwa kuenda munyika yehuchi nemukaka yeCanaan yavaive vavimbiswa naMwari.

Mukuru wesangano re#This Constitution, Our Constitution, Muzvare Abigale Mupambi, vati kunyange zvikadii vanoona hutongi hwaVaMugabe huchipera nekukasika.

Vatiwo masangano anoshanda akazvimirira pamwe nemapato anopikisa vanofanirwa kungwarira kuti vasakoshiwa kuti hondo yekugadzirisa bumbiro remitemo yenyika haina kupera.

Mutauriri webato reZapu, VaIphithule Maphosa, vatsinhirawo izvi vachiti nekuda kwekuti zviri kuitika pari zvino zvinhu zvakakosha zvikuru munhoroondo yenyika, vanhu vanogona kufarisa zvekuzopererwa nemazano ekutii voenda sei mberi.

Pari zvino veruzhinji vari kukwenya mhino dzavo nekasiyanwa vakamirira kunzwa kuti VaMugabe vasiya basa uye kuti chii chichatevera mumashure.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG