Mumwe mugari wemuBulawayo, VaEmmerson Madzana, vanoti sevamwe vatungamiri vose vane nhoroondo yekutonga nedemo, hazvivashamise kuti VaMugabe vakaratidza kuti vanoda kuramba vari pachigaro.
Asi vanoti vanoona VaMugabe vachisiya chigaro chavo munguva pfupi iri kutevera.
Izvi zvatsinhirwawo naVaElliot Sithole avo vati vanhu havafanirwe kuwora moyo vachienzanisa nhoroondo yenyika nenhoroondo yekufamba kwevana veIziraeri vachibva muhunhapwa kuenda munyika yehuchi nemukaka yeCanaan yavaive vavimbiswa naMwari.
Mukuru wesangano re#This Constitution, Our Constitution, Muzvare Abigale Mupambi, vati kunyange zvikadii vanoona hutongi hwaVaMugabe huchipera nekukasika.
Vatiwo masangano anoshanda akazvimirira pamwe nemapato anopikisa vanofanirwa kungwarira kuti vasakoshiwa kuti hondo yekugadzirisa bumbiro remitemo yenyika haina kupera.
Mutauriri webato reZapu, VaIphithule Maphosa, vatsinhirawo izvi vachiti nekuda kwekuti zviri kuitika pari zvino zvinhu zvakakosha zvikuru munhoroondo yenyika, vanhu vanogona kufarisa zvekuzopererwa nemazano ekutii voenda sei mberi.
Pari zvino veruzhinji vari kukwenya mhino dzavo nekasiyanwa vakamirira kunzwa kuti VaMugabe vasiya basa uye kuti chii chichatevera mumashure.
Facebook Forum