Nyanzvi munyaya dzemari nezvematongerwo enyika dzinoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoziva zvakaitika pamari yemangoda yavanoti haina kupinda muhomwe yehurumende.
Mashoko enyanzvi idzi anotevera mashoko aVa Mugabe ekuti nyika yakawana mari inodarika mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora kubva kumangoda, asi hurumende ikawana mabhiriyoni maviri chete emadhora.
Nyanzvi idzi dzinoti munyika munofanirwa kuumbwa komisheni yakazvimirira kuitira kuti nyaya yemari yemangoda iferefetwe kuti yakaendepi.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano re Labour and Economic Research Institute of Zimbabwe, Va Prospers Chitambara, vanoti panofanirwa kuva nemapoka anoshanda zvakajeka munyika kuitira kuti hupfumi hweZimbabwe hubatsire nyika yose kwete vanhu vashoma.
Ukuwo mutungamiri we People’s Democratic Party, uye vaimbove gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, Va Tendai Biti, vanoti muhurumende mune vanhu vaviri chete vaiziva zvaiitika pamari yemangoda, vanova vaimbove gurukota rezvemigodhi, Va Obert Mpofu, naVa Mugabe mbune.
VaBiti vanoti kuchema chema kuri kuita VaMugabe, misodzi yegarwe riri kuziva zvariri kuita.