Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votuka Madzishe neVari Kuita Chizivano muZanu PF


Mugabe 4
Mugabe 4

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabvuma kuti chirongwa chekutora minda chakakundikanavakapopotera vatungamiriri vebato ravo pamwe nemadzishe vakatora mhinda vachivapomera mhosva yekudzosa varungu vaimbova vana muzvina purazi kuti varime.

Vachitaura pamusangano wavaita neChishanu nevechidiki vebato ravo panhandare ye Mucheke, VaMugabe vatsamwira hutungamiri hwebato ravo nemadzishe vachiti vave kudzosa varungu mumapurazi zvisiri pamutemo webato ravo.

VaMugabe vati madzishe nevakatora mapurazi vari kudzosa varungu kuti vasadaro nekuti vari kuzviita vachazopedzisira vatorerwa minda yavakapuwa.

Vazhinji vakatora mapurazi vari kukundikana kurima nekushaya zvikwanisiro izvo zvoita kuti vadzose varimi vechichena avo vaive vakabata matura enyika chirongwa chekuvatorera mapurazi chisati chaitwa muna 2000

VaMugabe vatiwo havachadi kuona varungu mumapurazi munyika ye Zimbabwe yose nekudaro vari kuvadzosa vari kutsvaga kunetsana neZanu PF.

VaMugabe varatidza kunetsekana kukuru nekurwisana kur kuitika mubato ravo vakati vanhu vari kurwira zvigaro vari kunyengera vechidiki kuti vaputse bato.

Zvichakadaro mutungamiriri wevechidiki muZanu PF, Va Kudzai Chipanga, vakumbira VaMugabe kuti vechidiki vachipedzisa kutora mapurazi ose munyika akasara nevarungu vachiti havachadi kuona vachena vari kurima munyika.

Vechidiki vazhinji vanoti vamanikidza kuuya kumusangano uyu vari mumabhazi ezvikoro nemagonyeti vachibva kumaruwa ose edunhu reMasvingo.

Vechidiki ava vaswera miromo yakaoma nenzara kubva mangwanani vakamirira VaMugabe, avo vazouya masikati.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG