Accessibility links

Breaking News

VaBiti naVaMangwana Vozeya Mashoko Ava Mugabe kuJapan


런던 히스로 공항에서 브리티시 에어웨이 소속 보잉 747이 이륙하고 있다.
런던 히스로 공항에서 브리티시 에어웨이 소속 보잉 747이 이륙하고 있다.

Mutungamiri we People’s Democratic Party, Va Tendai Biti, vanoti vanhu vemuZimbabwe vari kutyora kodzero dzaVaMugabe nekuvasiya vari pabasa ivo vachiratidza kuti vaneta uye vakwegura.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kupesana pamashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ayo vakataura ku Japan pamusangano wavakaita nevatori venhau.

VaMugabe vanonzi vakati vanhu vemuZimbabwe havadi kuti vasiye basa, sezvo vachivafarira zvikuru. VaMugabe vakatiwo vakasiya basa, munyika munopedzisira musina kugadzikana sezvo ivo vari mutungamiri anoziva zvinoda vanhu.

Mashoko aya ari kushorwa zvikuru nevanhu pamadandemutande, vamwe vachiti VaMugabe vakwegura, nokudaro vanofanirwa kuchienda pamudyandigere.

Mutungamiri we People’s Democratic Party, Va Tendai Biti, vanoti vanhu vemuZimbabwe vari kutyora kodzero dzaVaMugabe nekuvasiya vari pabasa ivo vachiratidza kuti vaneta uye vakwegura.

VaBiti, avo vanova gweta rine mukurumbira munyika, vanoti bumbiro remitemo yenyika rinopa masimba ekuti kana mutungamiri wenyika ava kutadza kuita basa rake nemazvo, kanawo kuva anonetsekana nehutano hwake, anofanirwa kubviswa pachigaro.

Asi nhengo yeZanu PF uye vari sachigaro webato iri kuBritain, Va Nick Mangwana, vanoti VaMugabe vakasarudzwa neruzhinji rwevanhu, nokudaro vanofanirwa kuramba vari pabasa.

VaMangwana vanoti bato ravo rakabuda pachena kuti VaMugabe ndivo vacharimirira musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa muna 2018, nokudaro hapana chinoshamisira kana VaMugabe vachiti vachamirira bato ravo musarudzo.

Asi VaBiti vanoti Zanu PF ngainzwire VaMugabe tsitsi nekuti mukuru uyu ari kuratidza zviri pachena kuti aneta, uye anoda kuzororo.

Hurukuro naVaTendai Biti Pamwe naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG