Accessibility links

Breaking News

VaAmos Chibaya Vanonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


VaAmos Chibaya
VaAmos Chibaya

Murongi wekufambiswa kwemabasa muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, uye vari mumiriri weMkoba muparamende, VaAmos Chibaya, vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekuita mhirizhonga uye kukurudzira vanhu kuti vaite zvemhirizhonga.

Mutongi wedare ramejasitireti muGweru, Amai Charity Maphosa, varasa chikumbiro chaVaChibaya chekuti vabhadhare mari yechibatiso kuitira kuti vagotongwa vachibva kumba.

Amai Maphosa vati hapana zvange zvasanduka panyaya yavo kubvira musi weChina apo vakarambirwa chikumbiro chimwe chete pavakatanga kumiswa pamberi pedare, vachipomerwa mhosva yekutyora chikamu chemutemo weSection 187 vachinzi vakaita mhirizhonga uye vakakurudzira vamwe vanhu kuita zvemhirizhonga.

VaChibaya vakasungwa nemusi weChitatu uye nyaya yavo iyi ndeimwe yenyaya dzine chitsama dzine chekuita nemhirizhonga yakaitika munyika pashutdown svondo rapera dzakanzi dzichatongwa nechimbi-chimbi.

Nyaya yaVaChibaya yakatanga kutongwa nemusi weChishanu vachiramba mhosva yavari kupomerwa yekuti vakaita musangano pamba pavo nedzimwe nhengo gumi neshanu dzechidiki dzebato reMDC vachidzikurudzira kuti dziite mhirizhonga.

Asi mutongi wedare akaramba kuti VaChibaya vabvise mari yechibatiso achipa zvikonzero zvine chitsama kusanganisira kuti mhosva yavakatarisana nayo yakakura zvikuru uye vaizogona kukanganisa vafakazi.

Kutanga kutongwa kwenyaya iyi kwakambo tsviriridza gweta raVaChibaya, VaReginald Chidawanyika, vachipikisa nyaya yemuchuchisi yekuti vaive nevafakazi vaviri avo vasina kukwanisa kuuya kudare vachinzi vaive vasisawanikwe kwavaive.

Muchuchisi aive akumbira dare kuti apiwe kusvika Muvhuro kuti vafakazi ava vagounzwa kudare asi nezuro wacho haana kukwanisa kuuya zvekare nechikonzero chimwe chete chekuti vaive vasiri kuwanikwa.

Nezuro muchuchisi akaitazve chimwe chikumbiro chekuti nyaya iyi iendeswe mberi kusvika musi wa28 Ndira svondo rinouya.

VaChidawanyika vakazoitawo chikumbiro chekuti sezvo muchuchisi ainge asina kukwanisa kuunza vafakazi vake panguva yaive yakatarisirwa, VaChibaya vaifanirwa kubvumidzwa kubhadhara mari yechibatiso.

Vakatiwo kuti VaChibaya varambe vari muhusungwa kwakamirirwa vafakazi vanogona kuve vasiri vechokwadi, kutyora kodzero dzavo.

Asi muchuchisi akaudza dare kuti kuchitariswa mafambisirwo akanaka ekutongwa kwemhosva, uye hudzamu hwemhosva yavakarisana nayo, hazvinganzi VaChibaya vari kutyorerwa kodzero dzavo nekuramba vari muhusungwa achiti vange vasati vagara muchitokisi kwenguva inganzi yakareba.

Mutongi ati anobvumirana nemaonero aya akati VaChibaya vanogona kukwira kudare reHigh Court kunoita chikumbiro chekubvisa mari yechibatiso.

VaChidawanyika vatsanangura kuStudio7 zvaturwa nemutongi wedare uye danho ravave kutora.

Zvichakadaro mumiriri weChiwundura mudare reparamende, variwo sachigaro weboka revechidiki veMDC mudunhu reMidlands South, VaLivingstone Chimina, vakarambirwawo neMuvhuro chikumbiro chavo chekuti vabvise mari yechibatiso nemutongi wedare, Amai Phathekile Msipa.

Kutongwa kwaVaChimina, avo vari kupomerwa mhosva yakafanana neyaVaChibaya, kuchaenderera mberi nemusi weChipiri svondo rinouya, uye gweta ravo, VaBrian Dube, vati vari kukwirawo kudare reHigh Court

Sachigaro weMDC, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti bato ravo rine nhengo dzeparamende nhanhatu dziri muhusungwa, uye vamwe vari kutsvagwa nemapurisa.

Vatiwo pane vatsigiri vebato ravo vanopfuura mazana mashanu vakasungwa munyika mose mushure mekuratidzira kwakaitika svondo rapera zvichitevera kurudziro yakaitwa neZimbabwe Congress of Trade Unions.

Mutauriri wemapurisa munyika yose, Amai Charity Charamba, vanoti vanhu vanodarika mazana manomwe, kusanganisira Pastor Evan Mawarire, vakanga vaungwa svondo rapera vachipomerwa mhosva ine chekuita nemhirizhonga yakaitika munyika kwemazuva matatu.

Vamwe vasungwa kusvika pari zvino vanosanganisira mumiriri weMbizo muparamende, VaSettlement Chikwinya, pamwe nemumiriri weRedcliff, Va Lloyd Chikwinya. Vose ava vari mutirongo.

Hurumende inoti kuratidzira pamwe nemhirizhonga yakaitika zvakakonzerwa neMDC kunyange hazvo ZCTU yakabuda pachena kuti ndiyo yakadaidzira kuratidzira kwemazuva matatu uku.

Asi MDC inoti haineyi nekuratidzira uku, ichitiwo zviri kuitwa nehurumende zvinoratidza kuti yapererwa nemazano.

Gweta riri kumirira VaMawarire, Amai Beatrice Mtetwa, vakaudza vatori venhau muHarare kuti zviri pachena kuti munhu wese akasungirwa mumhirizhonga yakaitika svondo rapera, ari kunyimwa mukana wekubvisa mari yecvhibatiso, izvo vakati zvinhu zvinoshamisa pakatariswa nyaya dzemitemo nekodzero dzevasungwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG