Komisheni yakakagadzwa kuti iongorore zvakaitika pamhirizhonga yemusi wa1 Nyamavhuvhu iyo yakasiya vanhu vatanhatu vafa uye vakawanda vakuvara, inoti hurumende inofanirwa kuripa vose vakafa pamwe nekukuvara mumhirizhonga iyi.
Mhirizhonga iyi yakaitika zvichitevera sarudzo dzemuna Chikunguru dzinonzi nebato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, dzakabirirwa.
Vachiparura gwaro iri pamahofisi avo ehuruemende paMunhumutapa Building, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati komisheni iyi, iyo yaitungamirirwa nevakambova mutungamiri weSouth Africa kwechinguvana, VaKgalema Motlanthe, yakaona kuti kupindira kwakaita masoja mukurwisana nemhirizhonga yakaitika musi uyu, kwakange kwakakodzera sezvo komisheni iyi ichiti hupenyu hweveruzhinji pamwe nezvivakwa zvaiva munjodzi yekuparadzwa nevairatidzira musi uyu.
Asi VaMnangagwa vatiwo gwaro rekomisheni rinoti kupfurwa kwakaitwa vanhu nemasoja nepfuti kwakanga kusingakodzere, uye hurumende inofanirwa kuona kuti vakarasikirwa nehupenyu pamwe nekukuvara, varipwa.
Gwaro iri rinoti hutungamiri hweMDC Alliance ndihwo hwakakonzeresa kuti paitwe mhirizhinga musi uyu sezvo hwakabuda pachena kuti hahwaizotambira zvinenge zvabuda musarudzo kana VaChamisa vasina kunzi ndivo vakakunda musarudzo.
VaMnangagwa vaenderera mberi vachiti gwaro iri raburitsawo pachena kuti kufa kwevanhu vese vakafa musi uyu kwakakonzerwa nemasoja.
Nekudaro, komisheni iyi yakakurudzirawo kuti vose vakarasikirwa nehama varipwe uye mapurisa akasike kuferefeta kwaari kuita vakakonzera kuti vanhu vafe nekukuvara vasungwe kusanganisira musoja akabuda mumifananidzo achiridzira varatidziri pfuti.
Gwaro raparurwa iri riri kukurudzirawo kuti paramende itore matanho ekuchinja mutemo kuitira kuti komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission idzikise mazuva ainosungirwa kuti iburitse zvinenge zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.
Riri kukurudzirawo zvakare kuti hurumende iripe vose vakafirwa nehama dzavo uye ibatsire mhuri dzakasiyiwa nevashakabvu pamwe nekuendesa kuzvikoro vana vose vakasiyiwa nevafi vachiri mazera ekuenda kuchikoro.
Komisheni yaVaMotlanthe iri kukurudzirawo kuti hurumende ishandure mutemo unobata kuendeswa kwemasoja mumigwagwa achishanda nemapurisa kuitira kuti zvisitore nguva yakareba yekutsvaga mvumo yekuti masoja apinde mumigwagwa uye yakurudzirawo kuti mapurisa nemasoja kana achinge apinzwa mumigwagwa kuti anorwisana nemhirizhonga, atsvage nzira dzisingaite kuti vanhu vakuvare kana kufa pavanenge vachiratidzira.
Gwaro iri rashorawo makambani enhau ehurumende ayo anonzi aitsigira Zanu PF pamberi pesarudzo uye rikashorawo mapepanhau akazvimirira ainzi aitsigira bato reMDC asingaburitse nhau dzisina kwadzakarerekera.
VaMnangagwa vati vachamboongorora gwaro iri sehurumende vozoona kuti votora matanho api.
Facebook Forum