Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vofarira Kudzikiswa Kwaitwa Mitengo yeDhata


Highly Profitable Econet Wireless Launches Broadband Investment Program
Highly Profitable Econet Wireless Launches Broadband Investment Program

Kukwidzwa kwemitengo uku kwaive kwaitika mushure medanho rakatorwa neboka rePost and Telecommunications Regulatory Authority, kana kuti POTRAZ rekutambira chikumbiro chemakambani enharembozha chekuti mitengo iyi ikwidzwe.

Vanhu vakawanda vari kutambira nemufaro danho rakatorwa negurukota rehumhizha hwekufambiswa kwamashoko, VaSupa Mandiwanzira, rekumisa kukwidzwa kwemitengo wekushandisa internet panharembozha kwaive kwaitwa namakambni enharembozha.

Kukwidzwa kwemitengo uku kwaive kwaitika mushure medanho rakatorwa neboka rePost and Telecommunications Regulatory Authority, kana kuti POTRAZ rekutambira chikumbiro chemakambani enharembozha chekuti mitengo iyi ikwidzwe.

Vanhu vakawanda avo vaive varatidza kusafara kwavo vachishandisa Facebook, Twitter neWhatsapp, vadzokera zvakare painternet vachiratidza kufara kwavo nedanho ratorwa naVaMandiwanzira iri.

Vamwe vataura neStudio 7 vatiwo vari kufara vachiti izvi zvinoratidza kuti vanhu vakataura nezwi rimwe chete pane zvinhu zvinenge zvichivanetsa, hurumende inogona kuvateerera.

Mumwe mugari wemuBulawayo, Muzvare Nozipho Moyo, vanoti vari kufara nedanho rekumisa kukwidzwa kwemitengo yedhata.

Asi Muzvare Moyo vanoti mitengo iyi yange isingafanirwe kuve yakakwidzwa kubvira pekutanga kuchitariswa kuti mitengo yeinternet muZimbabwe yagara iri pamusoro.

VaMandiwanzira vakazivisa nezvekumisa kukwidza kwemitengo yedhata uku nemusi weChina mushure mekunge veruzhinji varatidza kusafara kwavo.

Mumashoko avo, VaMandiwanzira, avo vaive vamboti havaikwanisa kupindira munyaya iyi sezvo vari pazororo, vakazivisa kuti mushure mekutaura nevakafanobata chigaro chegurukota rezvehumhizha hwekufambiswa kwemashoko, Amai Prisca Mupfumira, pamwe nePotraz, vakaona zvakakodzera kuti kukwidzwa kwemitengo iyi kumbomiswa.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuna Amai Mupfumira kana kubva kuPotraz.

Asi Potraz yaburitsawo mashoko ekuti yamisa danho rekukwidza mitengo yeinternet.

Vamwe vanhuwo vakawanda vange vachishora kambani yeEconet iyo inonzi ndiyo yaive yauya nezano rekukwidzwa kwemitengo uku uye inova iyo yaive yakwidza mitengo iyi zvakanyanyisa uye nechimbi-chimbi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuEconet panyaya iyi asi kambani iyi yazivisawo kuti yave kudzokera kumitemgo yakare.

Mumwe anotengesa airtime uyo angoda kuzvidoma nezita rekuti Moyo ati kukwidzwa kwemitengo kwaive kwaitwa uku kwange kwave kukanganisa basa rake nevamwewo vanotengesa airtime saiye.

Mutungamiri wekufambiswa kwemabasa musangano reAbammeli Human Rights Lawyers Network, VaTineyi Mukwewa, vati danho ratorwa nehurumende rinoratidza masimba evanhu kana vakataura nenzwi rimwe chete.

VaNigel Gambanga avo vanoshanda nebepanhau repainternet rinonyora pamusoro pezvehumhizha hwekufambiswa kwemashoko, vanoti ichokwadi kuti makambni enharembozha ari kudurirwa nekuwanisa vanhu internet vachitiwo vanowona mitengo ichizokwidzwa zvekare asi zvisina kunyanya sezvange zvaitwa pari zvino.

Gore rakapera Potraz yakakonzerazve mutauro apo yakatora danho rekuti makambani enharembozha asaite zvirongwa zvakasiyana-siyana zvekuderedza mitengo

XS
SM
MD
LG