Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voyambirwa Kuchenesa Zita reNyika kuMusangano weDavos


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi pamwe nevemabhizimusi vakurudzira mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vanochenura zita renyika kumusangano mukuru wezveupfumi wepasi rese weWorld Economic Forum uri kuitira kuDavos kuSwitzerland.

Vemabhizimusi nenyanzvi dzehupfumi vakurudzira mutungamiri wenyika VaMnangagwa kuti vazadzise mashoko avo ekuti hutungamiri hwavo hwuchakoshesa kuitwa kwemabhizimusi kwakasununguka munyika pamwe nekuudza vekunze kuti mari dzavo dzichange dzakachengetedzeka muZimbabwe.

Muzvinabhizimusi, Doctor Shingi Munyeza, vati tarisiro yavo ndeyekuti VaMnangagwa vazadzise zvavanotaura munyaya dzemabhizimusi.

VaMunyeza vati VaMnangagwa pavanoenda kumusangano weDavos vanofanirwa kutora mukana uyu kunochinja maonerwo anoitwa Zimbabwe nevemabhizimusi vekunze

VaMunyeza vati semuzvinabhizimusi vari kufara zvikuru kuti hurumende yaVaMnangagwa ine hany’a yekugadzirisa zviga zvehurumende zvaitadzisa kubudirira kwevemabhizimusi.

Vanotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, Amai Divine Ndhlukula, vatiwo semadzimai vari kufadzwa netaridzo yekuti nyika yavhurika uye tarisiro yavo ndeyekuti vimbiso yekuti vanhu vaite mabhizimusi vakasununguka ichazadziswa.

Amai Ndhlukula vatiwo mukana wekuita kuti mabhizimusi asununguke zvinoitawo kuti mhuri dzibudirire.

Gweta, uyezve vari munyori ane mukurumbira, Muzvare Pettinah Gappah, vatiwo vari kutarisira kuti VaMnangagwa vatore mukana wekuenda kuDavos kunochenesa nyika kuti haichaiti zvemhirizhonga kuitira kuti vekunze vanoda kuzoita mabhizimusi vauye vakasununguka.

Vachipindura zvataurwa, VaMnangagwa vaudza vemabhizimusi ava kuti hurumende yatotanga kugadzira hwaro hwekuti mabhizimusi abudirire. Vatiwo aya ndiwo mashoko avo kune vemabhizinisi kusanginisarawo vekunze ekuti Zimbabwe yavhurika kune vemabhizimusi vese.

Musangano weWorld Economic Forum uri kutanga musi wa22 Ndira. Aka ndekekutanga mutungamiriri weZimbabwe achienda kumusangano weWorld Economic Forum mushure mekusaita izvi kwemakore akawanda pasi pehurumende yaVaRobert Mugabe, iyo yakabviswa nemauto gore rapera pasi pechirongwa cheOperation Restore Legacy.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG