Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Hapana Hurumende yeMubatanidzwa Inoitwa neZanu PF neMDC


Zanu PF
Zanu PF

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti bato ravo harisi kuzowumba hurumende yemubatanidzwa nebato reMDC uye vati hurumende yavo yakazvipira kupedza damBudziko rekushayikwa kwemafuta edzimotokari pamwe nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu muzvitoro.

Vachitaura nevatsigiri vavo pamuzinda webato ravo paZanu PF Headqurters pamberi pemusangano wekomiti yepamusorosoro mubato ravo yeCentral Committee, VaMnangagwa vati Zanu PF yakakunda zvine mutsindo musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru kunyange hazvo vanga vachitobvunza mumwe wevatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga, kuti vakakunda nemavhoti mangani musarudzo idzi.

VaMnangagwa vati kubukiddza nekukunda kwavakaita musarudzo hapana chikonzero chekuti bato ravo riwumbe hurumende yemubatanidzwa neMDC. VaMnangagwa vadzokorodza izvi zvakare mumusangano weCentral Committee.

Asi munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaDouglas Mwonzora, vati VaMnangagwa munhu ari kurotomoka vachiti sebato havana kumbobvira vati vanoda kuti pawumbwe hurumende yemubatanidzwa asi hurumende inombofano bata matomhu kwechinguvana kana kuti national transitional authority.

Pakambowumbwa hurumende yemubatanidzwa muna 2009 pakati peZanu PF neMDC zvichitevera kusafambiswa zvakanaka kwakaknga kwaitwa sarudzo dzemuna 2008 idzo dzaive nemhirizhonga yakakonzera kufa kwenhengo dzeMDC dzinodarika mazana mana pamberi pesarudzo yechipiri yemutungamiri wenyika kana kuti presidential runoff zvichitevera kukundwa kwakanga kwaitwa vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevaimbova mutungamiri weMDC, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai musarudzo yekutanga yemutungamiri wenyika.

VaMnangagwa vati vakapihwa masimba neveruzhinji ekutungamira nyika vakavimbisa kuti vachapedza dambudziko rekushayikwa kwemafuta edzimotokari pakupera kwemwedzi uno.

Asi VaMwonzora vati veruzhinji vanotofanira kutenda maruva vadya chakata sezvo vachiti hurumende yeZanu PF haina chaichatarisiwa kuti ichagadzirisa.

Panyaya yekukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu muzvitoro, mumwe wevatedzeri vaVaMnangagwa, VaConstantino Chiwenga, avo vari kutungamira bandiko rehurumende riri kuona nezvehupfumi hwenyika, vati sehurumende vachagara pasi nevemabhizimusi kuti vaone kuti chii chingaitwa kuti mitengo yezvinhu idzike vachiti hapana chikonzero chekuti varambe vachikwidza mitengo yezvinhu zuva nezuva.

Izvi zvatsinhirwawo naVaMnangagwa avo vati vachashandisa musangano webato ravo wepagore uchaitirwa kuEsigodini kutsvaga nzira dzekugadzirisa nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu muzvitoro iyo iri kuramba ichiita chamurambamhuru pamwe nemamwe matambudziko akatarisana nenyika akafanana nekushaikwa kwemishonga muzvipatara.

Asi vemabhizimusi pamwe nevanoita zvemishonga yemuzvipatara vanoti chiri kukonzera kuti zvinhu zvinetse munyika idambudziko rekushayikwa kwemari yekunze yavanoda kutenga zvinhu pamwe nemishonga kubva kunze kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG