Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanosangana neVarairidzi Vanorarama neHurema


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa. VaMnangagwa vasangana nevarairidzi vanorarama nehurema vari pasi pesangano rePTUZ.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa. VaMnangagwa vasangana nevarairidzi vanorarama nehurema vari pasi pesangano rePTUZ.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasangana kumahofisi avo eMunhumutapa nenhengo dzerimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, dzinorarama nehurema vachinzwa nezvematambudziko ari kusangana nevarairidzi ava mukuita basa ravo.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti vafadzwa zvikuru nekutambirwa vachipiwa nzeve nemutungamiri wenyika, uye vanoti VaMnangagwa vavimbisa kutarisisa zvichemo zvavapiwa nevarairidzi ava.

VaMajongwe vanoti vavimbiswa kuti hurumende ichatarisisa nezvezvichemo izvi, uye kutora matanho ekuona kuti zvagadziriswa nekukasika.

VaMajongwe vanoti zvimwe zvevinhu zvanzi nemutungamiri wenyika zvichagadziriswa nekukasika kuwanisa varairidzi vasingaone makombiyuta ekushandisa mukuita mabasa avo, uye vanotarisira kuti zvimwe zvichemo zvavo zvichakasika kugadziriswa.

Panyaya yemihoro, VaMajongwe vanoti mutungamiri wenyika vataura kuti vachaongorora nyaya iyoyo, asi vazivisawo kuti nyika yakatarisana nematambudziko.

VaMajongwe vapinda mumusangano uyu nenhengo dzesangano ravo dzinosanganisira munyori anoona nezvenhengo dzinorarama nehurema muPTUZ, VaAbbiot Moyo.

Studio 7 haina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba kuti tinzwewo divi raVaMnangagwa panyaya iyi.

Hurukuro naVaRaymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG