Accessibility links

VaMnangagwa Vanotsonda VaJonathan Moyo Vasingadome Zita Ravo

  • Arthur Chigoriwa

Zimbabwe Vice President Emmerson Mnangagwa

Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vanhu vasateerere zvinotaurwa nedzimwe nhengo zvekuti chirongwa chemagutsa, Command Agriculture, chakaipa.

Vachitaura pamatura eGrain Marketing Board, GMB, muLions Dens pedyo neChinhoyi, VaMnangagwa vati vanhu havafanirwe kukoshesa mashoko evanhu vanoshoropodza chirongwa chemagutsa.

VaMnangagwa vati chibage chemagutsa chinoramba chichingokura varimi vachingokohwa vachiendesa kuGMB vane mashave ekushoropodza vachingotaura.

VaMnangagwa vati kunyange vamwe vevanoshoropodza chirongwa ichi vakati chirongwa chakaipisisa, vanofara nekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati chirongwa chakanakisisa.

Nhengo yeZanu PF vari zvakare gurukota rezvedzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, ndivo munhu ari muhurumende akashoropodza chirongwa chemagutsa vachiti hachisi kufambiswa nemazvo uye chinofanirwa kuzivikanwa sechirongwa chakaipisisa.

VaMnangagwa vayambira vanoba chibage pamwe nevose vanoda kupiringisha chirongwa chemagutsa kuti vanofira mujeri.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaErnest Mudzengi, vanoti kukandirana makobvu nematete kuri kuitika muhurumende kunobudisa pachena kuti kune chekuita nemakakatanwa ekuti ndiyani achatsiva VaMugabe kana vasiya basa.

Vakafanobata chigaro chegurukota rezvekurima, VaDouglas Mombeshora, vashoropodza kuita kwevashandi veGMB avo vari kunzi vari kuramba chibage chevarimi vachiti chichiri chinyoro asi chibage chimwechete chinozonobvumwa kana chaenda nevanotenga chibage vakazvimiririra avo vari kutenga chibage pedyo nematura eGMB.

Munyori mubazi rezvekurima, VaRingson Chitsiko, vazivisa varimi kuti vanofanirwa kupiwa mari zvikamu makumi maviri kubva muzana pavanenge vaendesa chibage chavo kuGMB imwe yacho vozopihwa mukati memavhiki maviri.

Kunyange hurumende iri kuridza hwamanda ichiti chirongwa chemagutsa chiri kubudirira, musangano wanhasi wekuda kuona zviri kunyatsoitika kumatura eGMB waratidza kuti pane zvipingamupinyi zvakawanda zvinosanganisira huori hwevashandi veGMB, kushaikwa kwemotokari dzinotakura chibage kuenda kuGMB uye kusabhadharwa kwevarimi nenguva.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG