Accessibility links

Breaking News

Komisheni Yakadomwa naVaMnangagwa Yokonzera Mutauro Munyika


Kwakaita mhirizhonga mushure mesarudzo kukafa vanhu vanoita gumi
Kwakaita mhirizhonga mushure mesarudzo kukafa vanhu vanoita gumi

Vaongorori vezvematongerwo enyika vari kutambira nenzira dzakasiyana siyana komisheni yakaumbwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti iongorore zvakaitika nezvekakonzera mhirizhonga yakaitika musi waNyamavhuvhu 1, 2018, iyo yakasiya vanhu vanosvika gumi vafa mushure mekupfurwa nemauto.

Komiti iyi ine vanhukadzi vaviri, vanoti Amai Charity Manyeruke, vanova sachigaro wemadzimai eZanu PF kuMashonaland East; Amai Vimbai Nyemba, vanova sachigaro westate procurement regulatory authority of Zimbabwe board; uye varume vashanu vanoti sachigaro veNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku; vaimbove munyori mukuru muCommonwealth, VaEmeka Anyaouku vekuNigeria; vakambove mutungamiri weSouth Africa, uye vari sachigaro vekomisheni iyi, VaKgalema Motlanthe, vaimbova mukuru wemauto kuTanzania, VaDavies Mwamunyange; pamwe negweta rin mukurumbira muBritain, VaRodney Dixon.

Imwe nyanzvi inodzidzisa paTswane University of Technology muSouth Africa, VaRicky Mukonza, vanoti kana vakatarisa basa rakaitwa nedzimwe nhengo dzekomisheni iyi dzakaita saVaAnyaouku, vanhu havafanire kuvatyira nekuti vane ruzivo rwakakosha zvikuru sezvo vakashanda nenyika dzakawanda pavaive muCommonwealth.

VaMukonza vanoti VaDixion vane mukurumbira pasi rose, uye vakamboita muongorori wemhirizhonga yakamboitika ku Sri Lanka.

Asi dzimwe nyanzvi dzinoti VaDixon havana kuratidza hany’a nekodzero dzevanhu zvakadzama mugwaro ravo ravakatura pamhirizhonga yakaitika kuSri Lanka.

VaMukonza vanotiwo VaMwamunyange vakadomwa sezvo vane ruzivo munyaya dzechiuto, izvo zvichabatsira muongorori yemuZimbabwe sezvo ichabatawo mauto, ayo akapinda mumigwagwa kunge ari muhondo pakaitika mhirizhonga iyi.

Asi vamwe vanoti VaMwamunyange havangoni kubuda negwaro rinoroverera hurumende yaVaMnangagwa nemhosva, sezvo vaine husahwira naVaMnangagwa pamwe nemutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga, uhwo hwakatanga munguva yehondo, apo mauto eZanla aidzidziswa mabasa ehondo kuTanzania munguva yehondo yeChimurenga.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti VaMnangagwa vakatora danho rakanaka chose, kunyange hazvo pasina chiratidzo chekuti zvichabuda muongororo iyi, zvichaziviswa kumunhu wese.

VaMavhinga vanoti ongororo iyi inofanirwa kuitwa muzvikwamu zviviri kuitira kuti veruzhinji vanzwisise zviri mumagwaro achabudiswa nemakomishina aya.

Asi VaTrust Matsilele, avo vari kuita zvidzidzo paUniversity of Johannesburg, vanoti vanhu havafanirwe kutarisira zvakanyanya kubva kukomisheni iyi, sezvo iine vanhu vakaita saAmai Manyeruke, avo vari mukomisheni iyi vachimirira zvido zvebato ravo, pamwe nezvemutungamiri wenyika, kwete zvido zveveruzhinji.

Nhengo yeZimbabwe Solidarity Forum, VaMunjonzi Mutandiri, vanotiwo VaMnangagwa vakatyora bumbiro remitemo yenyika, zvikuru section 110 subsection 6, iyo inosungira mutungamiri wenyika kuumba komisheni mushure mekuzeya nyaya iyi nedare remakurukota.

Komisheni iyi yakagadzwa musi wa 29 Nyamavhuvhu munyika musina dare remakurukota, izvo VaMutandiri vanoti kutyorwa kwebumbiro

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Asi imwe nhengo yeZanuPF inogara muJohannesburg, VaTongai Hwema, vanoti havaoni chakaipa pakugadzwa kwekomishoni iyi.

Vamwe vakataura neStudio7 vanoti kunyange hazvo vachiremekedza VaMadhuku semunhu anotaura zviri pachena asina divi raakarerekera, vanonetsekana nekuva kwavo mukomisheni iyi sezvo vakatobuda pachena vachishora maitiro eMDC Alliance pamhirizhonga iyi.

Pavakadoma komisheni yavo, VaMnangagwa vakati komisheni iyi ichatsvagiridza zvakakonzeresa mhirizhonga, kutsvaga vanhu vaive pamberi, chinangwa chavo, uye zvavaishandisa mukuratidzira, kuongorora zvakaitwa nemapurisa mukuchengetedza mitemo nekugadzikana kwenyika, uye kuongorora zvakaita kuti mauto apindire mukubatsira kuchengetedza runyararo.

Vakatiwo vanoda kuti simba rakashandiswa nemauto pamhirizhonga iyi riongororwe kuti raikodzera here kushandiswa sezvakaitika musi uyu.

Komisheni yaVaMnangagwa haisati yatoreswa mhiko yekuti ichitanga kushanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG