Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Vakuru veMauto Vamiswa Basa Havakodzeri Kumirira Nyika Kunze


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vamisa baa vakuru vemauto vana.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vamisa baa vakuru vemauto vana.

Munyori mukuru wemutungamiri wenyika pamwe nedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, vazivisa kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vamisa mabasa vakuru-vakuru vemauto vana, avo vave kutarisirwa kupiwa mamwe mabasa ekumiririra nyika kunze.

Vakuru-vakuru vechiuto vanonzi vamiswa mabasa ava ndiMajor General Douglas Nyikayaramba, Major General Martin Chedondo, Major General Anselem Sanyatwe, pamwe naAir Vice Marshal Shebba Shumbayawonda.

Vana ava vanonzi vave kupinda kunoshandira bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Asi vamwe vanoongororora zvematongerwo enyika vasina kuda kudomwa nezita vanoti vanoona kubviswa kwevarume vana ava kuchiuto sekudzikiswa pamabasa avo, kwete kukwidziridzwa kana kuti kuporomotwa.

Vanoti sekuona kwavo, VaMnangagwa vatora mukana wekubvisa vakuru vamauto ava pabasa panguva iyo mutevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga vasipo vari kuIndia kwavanonzi vari kurapwa vari.

Vakawanda vanoona sekunge VaChiwenga vachine chekuita nemashandiro emauto munyika kunyange hazvo vakasiya basa semukuru wemauto.

Mauto ndiwo akatungamira mukubviswa pachigaro kwevaive mutungamiri wenyika, vaRobert Mugabe muna Mbudzi wegore ra2017.

Munyori anoona nezvekudzivirirwa kwenyika muMDC, VaGiles Mutsekwa, vanotiwo vanofunga kuti varume vana ava havakodzeri kuti vamirire Zimbabwe kunze pachitariswa nhoroondo dzavo mukutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.

Vanoti havafungi kuti VaMnangagwa vari kutaura vakazvipira pakuti vari kuda kuti vadyidzane zvakare nedzimwe nyika kana vachisarudza vanhu vakaita sevakuru vemauto kunoita basa iri.

“Kana uri kuda kuita program ye reengagement nedzimwe nyika unoisa your best foot forward, and vanhu vanotanga kupa chimirio chenyika vanhu noseenza ku diplomatic corps, kuForeign Affairs,” VaMutsekwa vanodaro.

Vanoti vana veZimbabwe havakanganwi mabasa anonzi akaitwa naMajor General Nyikayaramba munguva dzesarudzo mumakore adarika kuburikidza nekutungamira vechidiki vezanu PF mukushungurudza vanhu, zvikuru kumaruwa.

Vanotiwo kwavanoti kunyepa kwakaitwa naMajor General Sanyatwe pavakamira pamberi pekomisheni yaVaKgalema Motlante vachitsanangura nezvekupfurwa kwevanhu muna Nyamavhuvhu wegore rapera nemauto kuchiri mupfungwa dzevanhu.

Studio 7 haina kukwanisa kubata varume vana ava kuti tinzwewo kubva kwavari pamusoro pezvipomerwa izvi.

Hurukuro naVaGiles Mutsekwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG