Accessibility links

VaChiyangwa Vokurudzira VaTsigiri veNhabvu Kuti Vanotambira maWarriors kuNhandare yeNdege

  • Blessing Zulu

VaPhillip Chiyangwa

Mutungamiri weZIFA VaPhilip Chiyangwa vari kukurudzira vanhu vose munyika kuti vaende kunhandare yendege yeHarare International Airport neChipiri masikati kunotambira chikwata cheZimbabwe Warriors icho chakashura mare nekudambura Zambia 3-1 kuSouth Africa nemusi weSvondo chichibva chasimudza mukombe weCOSAFA Castle Cup.

Vachitaura neStudio 7, VaChiyangwa vati uyu mukombe wavo wekutanga vachitungamira sangano renhabvu reZIFA nekudaro vane mufaro mukuru. Vavimbisawo kuti vachaona kuti voitirei vakomana vemaWarriors ava.

VaChiyangwa vakasarudzwa kuti vatungamire ZIFA muna 2015 mushure mekukunda musarudzo VaTrevor Carelse Juul, VaLeslie Gwindi naVaJames Takavada.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG