Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoita Gadziriro yeMitambo yemaOlympics kuBrazil


Kirsty Coventry
Kirsty Coventry

Chikwata cheZimbabwe chirimuSao Paolo, Brazil umo chichange chichigara panguva

yama2016 Olympic Games. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael Kariati anotitaurira kuti zvinhu zvakamira sei.

Vatambi gumi nevatatu pamwe nevatambi gumi nevanomwe vechikwata chenhabvu chevanhukadzi ndivo vachange vachimirira Zimbabwe mumakundano emaOlympics Games ayo arikupfungaudza utsi svondo rinouya.

Ichi ndicho chikwata chikurusa chatumirwa neZimbabwe kubvira muna 1980 apo Zimbabwe yakatanga kukwikwidza mumakundano aya.

Kunyange hazvo vamwe vatambi varipo vari vanozivikanwa kubva kuma 2012 London London Games, kune vatambi vakaita semumhanyi wenzendo refu Rutendo Nyahora, mutambi wearchery Gavin Sutherland, mutambi weequestrian Camil Cruger mumhanyi wenzendzo pfupi Tatenda Tsumba pamwe nemumhanyi wenzendo refu zvekare Partson Ndlovu avo varikumaOlympic Games kekutanga muhupenhyu hwavo.

Sachigaro webhodhi reSport and Recreation Commission VaEdward Siwela vanoti havasi kuisa tambo kuti vatambi ava vanofanira kusvika papi apo vari kukwikwidza.

Mutuhwini anemukurumbira, Kirsty Coventry uyo anemenduru sere kubva kuma Olympic Games a 2004 na 2008 pamwe na Sean Gunn ndivo vachange vachitsvaga menduru mumvura.

Michael Nicholson achange achikwikwidza mune zvepfuti, Andrew Peebles na Micheene Thorncroft vachange vachikwikwidza varimumvura murowing, Gavin Sutherland achitamba nemabhiza muequestrian.

Vamhanyi ndivo vakawanda muchikwata cheZimbabwe. Vamhanyi venzendo refu Wirimai Juwawo naCuthbert Nyasango avo vanobva muHarare, pamwe naNyahora uyo anogara kuSouth Africa, naPardon Ndlovu anogara kuAmericandivo varikuvaka chikwata chinemutsindo ichi.

Pane nzvimbo zvekare dzevamhanyi venzendo pfupi idzo dzakabatwa naGabriel Mvubvure naTatenda Tsumba vese vanogara kuAmerica

Asi kune veruzhinji muZimbabwe, maOlympic Games zvinoreva Kirsty Coventry.

Muteveri wenhabvu VaDonald Nyikadzino vanoti kunyange hake makore ati fambei, vachitarisa pavatambi vese veZimbabwe, Coventry ndiye chete angangoudza menduru kumba.

Muteveri wezvemitambo Fanuel Dhaka anoti arikuona Coventry achiregedza zvekukwikwidza ari pamusoro soro.

Aya ndiwo maOlympic Games aCoventry ekugumisira.

Asi muoongorori wezvemitambo VaZvidzai Mandishona havasi kugutsikana nechikwata cheZimbabwe vachiti ivo panenge paita mashiripiti pakaduba menduru imwechete.

Asi vatambi pachavo varikutarisira kuita mashiripiti. Murairidzi wemaMighty Warriors Shadreck Mhlauzi anoti chinangwa chavo ndechekusvika mumakota fainari enhabvu yevanhukadzi.

Wirimai Juwawo uyo anoti haasi kuvimbisa menduru anoti chinangwa chake ndechekupedza ari pavamhanyi gumi avo vacharova tambo.

Juwawo anoti chichanyanyovakuvadza masiyano emamiriro ekunze ekuBrazil uko anoti kunopisa zvinotyisa.

MaMighty Warriors ndivo vatambi vemuZimbabwe varikutanga kupinda munhandare apo varikusangana neGermany neChitatu mumutambo wavo wekutanga weGroup F.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG