Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League Yosvika Pakati nePakati


Dynamos FC
Dynamos FC

Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yasvika pakati nepakati pegore paine mutambo urikubvira moto weCaps United neHighlanders.

Kuchange kuine makuwerere kunhandare yeBarbourfileds Stadium kuBulawayo nemusi weSvondo uko zvikwata zviri kutungamira gungano rePremier Soccer League zveCaps United neHighlanders zvinenge zvichikweshana.

Parizvino, Caps United ndiyo iri kutungamira makwikwi aya nemapoinzi makumi maviri nemapfumbamwe, maviri pamusoro pe Highlanders neFC Platinum zvekuti maGreen Machine vangangofara nekuita mangange muBabourfields Stadium.

Muongorori wezvemitambo VaAndrew Rwodzi vanoti vachitarisa ivo pamutambi wega wega, Bosso ine simba rakawandisa kudarika maGreen Machine.

Caps United
Caps United

Kunyange hazvo vanga vachida kuti Caps United ikunde, mutsigiri weDynamos VaKoshern Murasiranwa vanoti vaonooreswa moyo nekuti vatsigiri veCaps pachavo havana chivimbo nechikwata chavo sezvo vanga vachisheedzera kuti murairidzi wavo Lloyd Chitembwe adzingwe basa.

Chikwata cheFC Platinum pamwe necheDynamos icho chine mapoinzi makumi maviri nemana zvakatarisa mutambo weBosso nemaGreen Machine nemaziso matsvuku vachitarisira kuti chimwe chacho chirohwe ivo voswedera pedyo.

FC Platinum iri pamusha muMandava Stadium neBulawayo City nemusi weMugovera. Dynamos iri pamusha nesvondo neZPC Kariba iyo yave nemitambo mina isina kukunda.

NeChitatu kwakaita mhirizhonga munhandare yeNyamhunga Stadium vatsigiri vechikwata ichi vachisheedzerawo kuti Sunday Chidzamwa anofanira kusandura maitiro kana kuti asiiswe basa.

Asi Dynamos haina zvichemo zvese izvi sezvo chikwata ichi chave nemitambo mitanhatu chisina kana kukundwa kunze kwekuita mangane mumutammbo mumwechete.

Kunyange hazvo vari kumashure nemapoinzi mashanu kuCaps United VaEmmanuel Matshinya avo vari kugadzira mavhidhiyo eDynamos vanoti chakapirwa Lloyd Mutasa basa kutora mukombe chete.

Moses Chunga naRahman Gumbo avo vakatamba muchikwata chimwechete chemaWarriors varikusangana mangwana kwete sevatambi asi sevarairidzi.

Moses Chunga achange ari pabhenji reHarare City ukuwo Rahman Gumbo achirairidza Chicken Inn mumutambo urikuratidza kuti uchange wakaoma zvikuru.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Mimwe mitambo iriko yakamira sezvi.

Ngezi Platinum Stars V Triangle Baobab

Tsholotsho Pirates V Hwange White City

Border Strikers V How Mine Dulivhadzimu

Chapungu V Mutare City Rovers Ascot Stadium

Mitambo iyi ikapera zvikwata zviri kuenda kuzororo kwemasvondo maviri.

XS
SM
MD
LG