Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ave kupinda munharaunda yegumi nerimwechete musi weMugovera neSvondo.
Zvikwata zvina zviri pamusoro peCastle Lager Premier Soccer League zvakasiyana nemapoinzi matatu chete zvekuti hazvishamise kuti makundano aya angangoita mutungamiri mutsva mushure mekupera kwemitambo yakarogwa mukupera kwesvondo.
Highlanders iyo iri pamusoro, ine mapoinzi makumi maviri nematatu, chikwata chiri pachinzvimbo chechina cheFC Platinum chiine mapoinzi makumi maviri.
Pakati peHighlanders neKugona Kunenge Kudada pane Caps United neZPC Kariba idzo dzine mapoinzi makumi maviri nerimwechete.
Asi chirikunyanyonakidza ndechekuti Highlanders iri pamusha neZPC Kariba mumutambo wakaoma zvikuru kuBarbourfields Stadium mushure mekunge Katuruturu yakaita zvinoshamisa nekunorova FC Platinum kuMandava Stadium.
Asi muteveri wemutambo wenhabvu VaFarai Kambamura vanoti Highlanders iri kutamba zvinotyisa zvekuti irikutora mapoinzi matatu kubva kuZPC Kariba vachiwedzera ivo kuti zvichaoma kubvisa chikwata ichi pamusoro pachaenda apa.
Highlanders yakaenda pamusoro peCaps United mushure mekukunda Border Strikers 2-0 nemusi weChitatu.
Asi Caps United yacho ine mukana wekudzokera pamusoro kana Highlanders ikatsvedza neZPC Kariba sezvo maGreen Machine aine mutambo usina kunyanyooma neBulawayo City.
Mushure mekumbozorora kwesvondo rimwe, FC Platinum irikudzoka munhandare yeMandava Stadium asi nemutambo wakatsvuka ropa apo varikusangana neTriangle.
Mitambo pakati pazvikwata zviviri izvi yakaoma uyezve zvinonetsa kudoma kuti chinokunda ndechipi. Asi mutsigiri weFC Platinum VaTerence Kahuni vanoti ikozvino ndivo varikukunda.
Kunyange hazvo vachiti havana chikwata chafanofarira muPremier Soccer League asi maWarriors VaSimbarashe Mukurazhizha vanoti FC Platinum ndiyo yavanoona sekunga inokodzera kutora mukombe weligi.
Asi muHarare mune makuwewere mangwana apo Moses Chunga nechikwata chake cheHarare City varikusangana neDynamos iyo yakapa Chunga mukurumbira semutambi uyezve semurairidzi.
Mumitambo miviri yaatamba neNgezi Platinum Stars pamwe neBulawayo City, Chunga atora mapoinzi ese matanhatu.
VaKambamura vanobvuma kuti Bambo varikuita mashiripiti kumaSunshine City Boys asi vanoti ivo paDynamos Bambo vachabviswa chiri kumeso.
Mimwe mitambo yese iriko yakamira seizvi
Mugovera
Ngezi Platinum Stars V Borders Strikers -- Baobab
Tsholotsho V Chicken Inn -- White City
Harare V Dynamos --- Rufaro Stadium
FC Platinum V Triangle ---- Mandava.
Svondo
Highlanders V ZPC Kariba -- Barbourfiels.
Caps United V Bulawayo City -- National Sports Stadium.
Hwange V Mutare City --- Colliery
Zvikwata zviri pasi pasi, kunyanya cheMutare City Rovers neBorder Strikers, zvinofanira kutanga kunhonga mapoinzi kana kuti zvinodzokera nechimbi chimbi kuDivision One kwavakabva.