Sachigaro weCaps United VaLewis Uriri vanoti vagadzirisa matambudziko ange atarisana nechikwata chavo uye vatambi vange vachiramwa basa vatanga kuita gadziriro yemitambo yavo yeCastle Premier Soccer League.
Vachitaura neStudio 7 VaUriri vati vatambi vapihwa mari dzavo dzemabhonasi dzange dzasarira.
Asi vati mari dzemihoro dzemwedzi wapera dziri kupihwa vatambi munguva pfupi inotevera. Vatiwo pane vamwe vanhu vavasina kudoma nemazita vavati vari kufurira vatambi veCaps United kuti varamwe kutamba nhabvu.
VaUriri vati vataura nevatambi ava uye vatiwo nyaya iri kupa kuti vanoneke kubhadhara vatambi inyaya yekuti zvinhu zvakaomera munhu wose munyika vakati kana hurumende chaiyo haisati yabhadhara mari yemabhonasi yegore rapera.