Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inorakasha Sychelles muMakwikwi eMukombe weCOSAFA


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Zimbabwe National Team nemusi weChitatu yakakunda chikwata cheSeychelles 5-0 mumakwikwi eCOSAFA Castle Cup 2016 kuSam Nujoma Stadium kuWindhoek Namibia.

Asi kunyangwe hazvo Zimbabwe yakakunda zvine mutsindo haisi kuenderera mberi mumakwikwi aya sezvo yakaguma iine mapoinzi mashanu iri pachidhano chechipiri.

Swaziland iyo yakakunda Madagascar ikaita mapoinzi manomwe ndiyo iri kuenderera mberi mberi mumakwikwi aya.

Vakanwisa zvibodzwa zveZimbabwe ndi Ronald Pfumbidzai mushure memaminetsi makumoi maviri nematatu uye yainge iri penalty. Chibodzwa chechipiri chakanwiswa naTatenda Mudehwe mushure memaminitsi makumi matatu nemanomwe nemusoro.

Chechitatu chakanwiswa naLawrence Mhlanga mushure memamitsi makumi matanhatu nemana mushure mekupirwa bhora naPfumbidzai. Chibodzwa chechina chakanwiswa naTeenage Hadebe mushure memaminetsi makumi manomwe nematatu kubva pacorner kick. Mhlanga akazonwisa chibodzwa chechishanu mushure memaminetsi makumi mapfumbamwe.


Zimbabwe XI: Tatenda Mkuruva, Elisha Muroiwa, Hardlife Zvirekwi, Tatenda Mudehwe, Nqobizitha Masuku, Obadiah Tarumbwa, Teenage Hadebe, Bruce Kangwa, Tafadzwa Kutinyu, Ronald Pfumbidzai, Charlton Mashumba. Subs: Bernard Donovan, Lawrence Mhlanga, Blessing Moyo, Raphael Manuvire, King Nadolo, Farai Madhanaga, Talent Chawapiwa.

Seychelles XI: Vincent Euphrasie, Yannick Manoo, Andrew Onezia, Jones Joubert, Gervais Waye-Hide, Bertion Basil, Achille Henriette, Carl Hopprich, Colin Esther, Elijah Tamboo, Colin Bibi. Subs: Randy Suzette, Keith Coralie, Daniel Maillet, Gino Melanie, Lucas Panayi, Marlon Sopola.

‚Äč
XS
SM
MD
LG