Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warrriors Yobatana neNyika Pfumbamwe Kuenda kuAfrica Nations Cup


Khama Billiat
Khama Billiat

Chikwata chemaWarriors chirikupemberera chakananga kuma 2017 Africa Cup of Nations kwapera makore gumi vachizhamba.

Kunyange hazvo pachiri nemutambo mumwechete wasara, maWarriors abudirira kuenda kuma 2017 Africa Cup of Nations finals mushure mekurakasha Malawi 3-0 izvo zvavasvitsa pamaponzi mapfumbamwe ayo asina chikwata chinovadarika mugungano iri.

Zimbabwe iri kuenda kumakwikwi aya ichibatana neEgypt iyo yakatora mukombe uyu kanokwana kanomwe kudarika nyika dzose, Guinea-Bissau iyo iri kuenda kumakwikwi aya kekutanga, Algeria, Cameroom, Ghana, Mali, Morocco, Senegal neGabon iyo iri kupinda mumakwikwi nenyaya yekuti munyika iyi ndimo muri kuitwa makwikwi aya.

Kwasara zvinzvimbo zvitanhatu chete parizvino, izvi zvinosanganisa vana vanenge vatungamira zvikwata zvavo nedzimwe nyika mbiri dzinenge dzapera dziine mapoinzi akawanda dziri pachidanho chechipiri.

Swaziland iri mugungano rimwe chete neZimbabwe inokwanisa kusvika pamaponzi mapfumbamwe iwaya ikakwanisa kukunda Malawi mumutambo wavo wekugumisira asi varikumashure kweZimbabwe 1-0 mumitambo inotariswa kana zvikwata zvikapedza zvine mapoinzi akaenzana.

Kunyange hazvo vanotungamira nhabvu vasina kuzivisa vatsigiri vemutambo uyu vachiri munhandare kuti Zimbabwe yaive yabudirira kuenda kuGabon, veruzhinji vange vave kuzvizivira vega zvichienderana nemhemberero yakaitika munhandare iyi mutambo uchangopera.

Mutisigiri weDynamos VaSolomom Mundera avo vaingomhanya mhanya nemureza weZimbabwe mutambo uchitambwa vanoti varikutoshaya pekubata nemufaro vachiti ivo chikwata chemaWarriors chakabatana.

VaDesire Mbidzo avo vanoita zveball juggling pese pamotamba zvikwata zvenyika muNational Sports Stadium uyezve vachibva kumhuri inozivikwanwa zvikuru munhabvo iyi yakabika John, Davis, naFarai Mbidzo vanoti izvi ndizvo zvavanga vakamirira vachiti ivo zvinombota kuti vambokanganwa nhamo dzenyika idzo dzkavamomotera.

Cuthbert Malajila uyo akanwisa chibodzwa chekugunosora anoti vakaita zvavakavimbisa vatsigiri vavo.

Zvakamira zvakadai, mutungamiri wevatambi Willard Katsande anoti makore anga awandisa Zimbabwe isati yakwanisa kuenda kumakundano aya achiti iye zvinofadza.

Katsande ndiye mutungamiri wevatambi wechipiri pamakore makumi matatu nematanhatu apfuura kukwanisa kuendesa kumaAfrica Cup of Nations.

Pater Ndlovu ndiye aive mutungamiri wevatambi apo Zimbabwe yakaenda kuma 2004 na 2006 Africa Cup of Nations.

Pakaenda maWarriors kuma2004 na2006 Africa Cup of Nations, maWarriors akabuditswa munharaunda yekutanga asi Katsande anoti ikozvino vanofanira kusvika kuma kota fainari

Asi vaMbidzo vanoti chikwata cheZimbabwe ichi hachina kunyatsosimba zvinemutsindo zvekuti panezvakawanda zvinoda kugadziriswa vemuZimbabwe vasati vatanga kurotanezvekunokunda kumafainari..

Mutungamiri wesangano idzwa rave kutungamira nhabvu munyika reNational Football Association of Zimbabwe VaPhillip Chiyangwa vanoti varikumirira kuti mitambo irikuitwa ikozvino itange yapera kuti vaone kuti hurongwa hwegadziriro vachahufambisa sei. Asi ikozvino, mhemberero irikuenderera mberi.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG