Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yogadzirira Mutambo Wayo Wakakosha weAfrica Nations Cup neSwaziland


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Gurukota rinowona nezve mitambo munyika VaMakhosini Hlongwane nemutungamiri we sangano reZIFA VaPhillip Chiyangwa nemusi weChitatu vakasangana nevatambi vechikwata chenhabvu chemaWarriors vakavapa mazwi ekuvashingisa mugadziriro yavo yemutambo weAfrica Nations Cup nemusi weChishanu nechikwata cheSwaziland.

Vanowona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reZIFA VaXolisani Gwesela vanoti vatambi vese vekunze kwenyika vakadaidzwa nemurairidzi wechikwata ichi vakakwanisa kuuya kusara kwevatambi vatatu vekuBritain avo vanoti vanoda havo kutambira England.

Mutambo uyu urikutambwa panguva iyo vamwe vakuru muZIFA nevamwe vatambi vakatarisana nejere nenyaya yekutengeswa kwemitambo. Asi VaGwesela vanoti izvi hazvisi kuzokanganisa vatambi mumakwikwi avo.

Hurukuro naVaXolisani Gwesela
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Group L

Team P W L D GF GA GD PTs

1 Swaziland 2 1 0 1 4 3 1 4

2 Zimbabwe 2 1 0 1 3 2 1 4

3 Malawai 2 0 1 1 3 4 -1 1

4 Guinea 2 0 1 1 2 3 -1 1

XS
SM
MD
LG