Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocherechedza Zuva reKuwanira Vanhu Mvura Yakachena


Zimbabwe nemusi weChipiri yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekuchengetedza mvura kana kuti World Water Day.

Dingindira regore rino riri kutarisa nyaya yemvura nemabasa kana kuti “Water and Jobs” Mukuru weHuman Settlement muUnited Nations Habitat Dr Thomas Chiramba vanoti Zimbabwe inofanira kuchengetedza mvura nekuwanisa vanhu mvura yakachena.

Muna 1993, bazi reUnited Nations General Assembly rakatara musi wa 22 Kurume wega wega sezuva rekucherechedza kukosha kwemvura muhupenyu hwevanhu.

Munyori mukuru weUnited Nations VaBan Ki Moon vakakurudzira vanhu kuti vakoshese kuchengetedza mvura vakati kunyangwe mvura yakakosha, hapana zvakawanda zviri kuitwa kuichengetedza.

Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni mazana makumi masere nematatu havakwanise kuwana mvura yakachena yekushandisa yakachena.

United Nations inoti kukura kwedambudziko iri ndiko kwakapa kuti vatare zuva iri kuti ringe richicherechedzwa. Vanhu vanokurudzirwawo kuti vachengetedze nzizi.

VaBan vanoti kuti zviga zve 2030 UN Sustainable Development Agenda zvibudirire zvakakosha kuti vanhu vakwanise kuwana mvura yakachena. Vanoti kuwana mvura yakachena zvinopa kuti vanhu vasabatwe nezvirwere izvo zvinopa kuti vaite basa vakagwinya.

Zvichakadaro, sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights watch rinoti zvakanaka kuti nyika dzitongwe zvakanaka zvinozopa kuti pasave musiyano wakakura pakati pevanowana mvura nevanoshaya.

Hurukuro naDr Thomas Chiramba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG