Accessibility links

Breaking News

VaFreddy Mkwesha Voradzikwa neChina kuGoromomzi


Soccer Ball
Soccer Ball

Mumwe wevatambi vakatamba bhora zvinonwisa mvura nyika isati yawana kuzvitonga, Va Freddie Mkwesha, avo vashaya neChipiri, vanonzi vacharadzikwa neChina kuGoromonzi.

VaMukwesha, avo vaimbove mutambi weDynamos, vange vave nemakore makumi manomwe nemana ekuberekwa. Vanga vachinetseka nechirwere cheshuga.

Sachigaro veDynamos, Va Kenny Mubaiwa, vanoti kushaya kwaVaMkwesha kwarwadza chikwata chavo sezvo vange vachishanda zvakanaka navo mubhodhi reDynamos.

VaMubaiwa vati vasangana nemhuri yaVaMkwesha manheru eChipiri pakaitwa hurongwa hwekuti vatorwe kunzvimbo yavakachengeterwa yeNyaradzo Funeral Home neChitatu kuitira kuti mutumbi wavo uendeswe kuGlen Norah kumba kwavo.

Vazivisawo kuti kuchaitwa misa kusvondo yavaipinda vozoendeswa kunhandare ye Rufaro neChitatu chakare uko vacharatidzwa kuvanhu vasati vaenda kunoradzikwa kumusha kwavo kuGoromonzi.

"Vanoda kuchema nesu vanokwanisa kuuya kunzvimbo idzi kuti tiwonesane sezvo riri gamba redu renhabvu," VaMubaiwa vadaro.

Vatiwo bhodhi ravo rarasikirwa nemunhu anga ari chipangamazano mubhodhi iri, uyewo anga achipa ruzivo kuvatambi.

"Isu tarwadziwa sechikwata cheDynamos nekupfuura kwaVa Mkwesha, vange vari munhu aitaura mazwi manyoro nguva dzose aive nehwaro hwakanaka kuvatambi nebhodhi redu, zvichanetsa kuvatsiva," VaMubaiwa vaudza Studio7.

VaMkwesha, avo vaitambira Dynamos, vakaita munhu wekutanga muZimbabwe kunotamba bhora mhiri kwemakungwa apo vakaenda kunotambira chikwata chekuPortugal Zimbabwe isati yawana kuzvitonga.

Pavakadzoka vakarairidza chikwata che Caps United kwemakore akawanda panguva iyo Makepekepe aiibhebha moto nekutora mikombe yakawanda.

Mushure mezvo vakazoenda kunoshanda vari mubhodhi reDynamos

Hurukuro NaVa Kenny Mubaiwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurukuro NaVa Kenny Mubaiwa Mukuvingwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG