Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau –Chitatu, Kubvumbi 20, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kuzopeta maoko ako vachisiya hurumende ichiumba komisheni yekufambisa mabasa eguta reHarare iro riri kuitwa kare nemakanzura eMDC….

America nenyika dzemu European Union dzobatsira Zimbabwe nechikafu chekupa vanhu vari kuziya nenzara…

Sangano reEuropean Union nereFood and Agriculture Organization anyorerana chibvumirano chemari inosvika zviuru mazana mapfumbamwe kubatsira vanopfuya mombe kuMasvingo neMwenezi uko kunze nzara inotyisa.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoenda kuNew York kumusangano wekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze, izvo zvasiya vakawanda vachiti VaMugabe vari kutambisa mari yenyika nenzendo dzavo dzekunze dzakawandisa…

Vakaremara vochema nerekuti hapana ari kuvacheuka kubva pakawana nyika kuzvitonga muna 1980…..

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa kupindira kuri kuita hurumende mumafambisirwo emabasa emakanzuru munyika….

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app nhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Misoro yeNhau, Kumbvumbi, 20, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG