Amai Victoria Chitepo naAmai Vivian Mwashita voita magamba ekutanga kuvigwa pamarinda eHeroes Acre musi mumwe chete.
Bato reMDC-T roenda kudare repamusoro richipikisa danho remapurisa rekuda kuri rambidza kuratidzira mangwana.
Gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa naGavhuna veeRBZ VaJohn Mangudya voita misangano yepagore muno muWashington nevakuru veIMF neWorld Bank.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe voudza gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema VaPatrick Zhuwao kuti vasiyane nemabhanga
Vamwe vanoita zvemitambo vosungwa padare reparamende mushure mekuita mutambo wavo une chekuita nekutsakatika kwemari inosvika mabhiriyoni makumi nemashanu yemangoda kwaChiyadzwa sematauriro emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa mamiriro akita hupfumi tichitarisa chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema uye misangano yeZimbabwe neIMF neWorld Bank
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app nhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave