Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau – Chitatu, Kurume 30, 2016


Misoro yeNhau

Kutengeswa kwefodya kunotanga nhasi muZimbabwe varimi vachichema nerekuti havachapihwa mari dzavo pakarepo sezvo vava kunzi vanodzitora kumabhanga….

Vashandi veNational Railways of Zimbabwe voenderera mberi nekuramwa mabasa sezvo vadarika gore vasati vapihwa mari dzavo…

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti vachakwikwidza muna 2018 sezvo vanhu vasiri kuda kuti vasiye basa…

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica chobatsira zvikoro nemabhuku….

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa mashoko aVaMugabe ekuti vanhu havasi kuda kuti vasiye basa izvo zvichaita kuti vakwikwidze musarudzo ya 2018.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app nhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Misoro yeNhau, Kurume, 30, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG