Sangano reWomen’s Colaition of Zimbabwe roita musangano wemazuva maviri muBulawayo wekupangana mazano munyaya dzemari pamwe nezvematongerwo enyika.
Zimra yoendeswa kumatare zvichitevera chiketura chayakaita imwe kambani munyika.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvoshushikana nekusashanduka kwezvematongerwo enyika muZimbabwe izvo zvine musiyano mukuru nemunyika dzazvigere.
Muchirongwa cheLiveTalk na8.30pm tiri kutarisa dambudziko rakatarisana nevasingaone avo vari kuti vari kusiyiwa muzvirongwa zveHIV/AIDS.
Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yevoa Shona.