Accessibility links

Breaking News

Amai Mupfumira Vomiswa Zvakare Mudare neMugovera


Prisca Mupfumira
Prisca Mupfumira

Gurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva dzehuori zvichitevera kusungwa kwavakaitwa nemusi weChina neZimbabwe Anti Corruption Commission, Zacc.

Amai Mupfumira, avo vachadzokera zvakare mudare neMugovera, vari kupomerwa mhosva nomwe dzekuita zvehuori pavaive gurukota rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu.

Muchichisi wenyaya iyi, VaMichael Reza, vaudza dare kuti Amai Mupfumira vakakonzeresa kushaikwa kwemari inoita mamiriyoni zana emadhora ekuAmerica nehouri hwakaitwa naAmai Mupfumira kunyange hazvo VaReza vachiti imwe yemar iyi haisati yanyatsozivikanwa kuti yakafamba sei.

VaReza vati komisheni inorwisa huori ichiri pakati pekuferefeta kuti mari iyi yakafamba sei.

VaReza vatiwo Amai Mupfumira vakashandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo pavakapihwa motokari yechipiri nehurumende mushure mekunge vakambenge vaudza munyori mubazi rezvevashandi, VaNgoni Masoka, kuti vavatengere imwe motokari iyo yakatengwa vasati vazopihwa imwe nebazi rezvemari pakapihwa makurukota ehurumende motokari.

Asi rimwe remagweta aAmai Mupfumira, VaCharles Chinyama, vaudza dare kuti hapana mhosva yakaparwa naAmai Mupfumira sezvo motokari dzese dziri mbiri idzi dziri muzita rehurumende uye vane kodzero dzekupihwa motokari mbiri segurukota rehurumende.

VaReza vatiwo Amai Mupfumira vakakonzeresa kuti National Social Security Authority, NSSA, ibhadhare mari inodarika mamiriyoni mana kubhanga reMetbank iro rakanga rabhuroka vachiita izvi vachishandisa simba ravo zvisirizvo.

Asi VaChinyama vati hurumende yanga ichingokanda manhamba mumhepo pasina humbowo hunosungirira Amai Mupfumira.

VaReza vatiwo Amai Mupfumira vakakonzeresa kuti NSSA ipinde muchirongwa chekuvaka dzimba kuChinhoyi zvakaita kuti mari inodarika mamiriyoni gumi ibude muhomwe yeNSSA mukati memazuva maviri.

Zvichakadai, VaChinyama vasvitsa chikumbiro chekuti Amai Mupfumira vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso, asi VaReza vaburitsa gwaro rinobva kuhofisi kwemuchuchisi mukuru wehurumende rinoita kuti musungwa agare mujeri kwemazuva makumi maviri nerimwe kana pane humbowo hunoratidza kuti musungwa akapara mhosva yakakurisa inokonzera kuti hupfumi hwenyika huwire pasi.

Mutongi wedare, VaMunamato Mutevedzi, vabvuma kutambira zvataurwa naVaReza vakati chasara ndechekuti patariswe kuti pane fungidziro inonwisa mvura inoratidza kuti musungwa akapara mhosva here kana kuti kwete kuti vazotarisa kuti Amai Mupfumira vangapihwe here mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

VaMutevedzi vati nyaya iyi ichaenderera mberi mangwana Amai Mupfumira vachirara mujeri.

Amai Mupfumira munhu wekutanga muhurumende kusungwa neZacc iyo yakagadzwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, musi wa Chivabvu 30, 2019.

Zacc yakapihwa masimba ekusunga vanhu vanofungidzira kuti vanenge vapara mhosva.

Asi vanopikisa vagara vachibuda pachena vachiti havana chivimbo naAmai Matanda Moyo kuti vangaite basa ravo nemazvo, sezvo murume wavo, VaSubisiso Moyo, vari gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika.

VaMoyo, avo vaive Major General muchiuto, ndivo vakabuda paterevhizheni muna Mbudzi 2017 vachizivisa nyika kuti mauto ainge apindira munyaya dzekutongwa kwenyika sezvo vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vainge vakakomberedzwa nematsotsi ari kuvhiringa hupfumi hwenyika.

Amai Mupfumira, avo vanova seneta weZanu PF anomirira Makonde, vaimbove gurukota rezvevashandi nemabasa panguva iyo kambani yehurumende yeNSSA inonzi yakarasikirwa nemari yakawanda zvikuru nepamusoro pehuroyi

Amai Mupfumira ndeumwe wevakuru-vakuru vakadomwa neboka revechidiki muZanu PF reYouth League kuti vakaita zvehuori.

Nekune rumwe rutivi, boka remadzimai mubato iri, reWomen’s League, rakabudawo nechisungo chekuti chekuti vese vakadomwa panyaya dzehuori vanofanira kuti vaferefetwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG