Accessibility links

Breaking News

Gurukota reHurumende, VaSibusiso Moyo, Vashaya neChirwere cheCovid-19


Sibusiso Moyo
Sibusiso Moyo

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vashaya nhasi mangwanani nechirwere cheCovid-19.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vashaya nhasi mangwanani nechirwere cheCovid-19.

Kushaya kwaVaMoyo kwaziviswa nemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, kuburikidza nemashoko aburitswa nehofisi yavo.

VaMnangagwa vati nyika ichaziviswa nezvehurongwa hwekuviga mutumbi waVaMoyo, avo vaive murwiri werusununguko munguva yehondo.

VaMoyo, avo vaive Major General muchiuto, vakatanga kuzivikanwa neveruzhinji zvakanyanya musi wa 15 Mbudzi, 2017, apo vakazivisa nyika kuti mauto ainge apindira mune zvematongerwo enyika aine chinangwa chikubvisa matsotsi aive muhurumende yamuchakabvu Robert Mugabe, avo vakabviswa pachigaro zvekumanikidzwa nemauto pasi pechirongwa che Operation Restore Legacy.

Mushure mekubviswa kwaVaMugabe pachigaro, Zanu PF yakaita musangano wechimbi chimbi wekusarudza munhu anotora chigaro chaVaMugabe, izvo zvakaona VaMnangagwa vachisarudzwa zvine mutsindo.

Mushure mekutoreswa mhiko, VaMnangagwa vakadoma VaMoyo segurukota rezvekudyidzana nedzimwe nenyika, pamwe nemukuru wemauto emuchadenga panguva iyi, VaPerrance Shiri, avo vakaitwa gurukota rezvekurima.

VaShiri vakashaya nechirwere cheCovid-19 gore rapera, vakava gurukota rehurumende rekutanga kufa nechirwere ichi.

VaMoyo vakaenda kuhondo yechimurenga muna 1977, mushure mekubuda munyika vachienda kuBotswana.

VaMoyo vashaya vava nemakore makumi matanhatu nerimwe, uye vasiya mudzimai, Amai Loice Matanda Moyo, sachigaro veZimbabwe Anti Corruption Commission.

VaMoyo vashaya panguva iyo Zimbabwe, sedzimwe nyika, iri kunetsekana nedenda reCovid-19, iro rauraya vanhu vanodarika mazana masere nemakumi maviri nevashanu, uye kubata vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nezvisere nemazana matanhatu nemakumi manomwe nevashanu, kana kuti 28,675.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG