Accessibility links

Vanhukadzi Vokurudzirwa Kupinda Mubhizinesi reZvicherwa kuMusangano weMine Entra

  • Taurai Shava

Mine entra

Gungano reMining Engineering and Transport Expo kana kuti Mine Entra iro rinosanganisa makambani anoita zvezvicherwa nemamwe mabasa anoenderana neizvi ratanga muBulawayo neChitatu vanhukadzi vachikurudzirwa kuti vapinde mumabasa kana kuvamba mabhizimisi ane chekuita nezvezvicherwa.

Kurudziro iyi yapiwa pamusangano wekutanga wekuzeya mikana ingavepo kuvanhukadzi mumabasa kana mabhizimisi ezvicherwa.

Mutevedzeri wemukuru weZimbabwe Chamber of Mines, Amai Elizabeth Nerwande-Chibanda, vati vanhukadzi vanosangana nezvimhingamupinyi zvakasiyana-siyana zvakafanana nekuwoma kwakaita mabasa ane chekuita nezvezvicherwa uye kushaya vanhu vangavabatsira kuti vakwanise kupinda mumabasa aya.

Izvi zvatsigirwa nemukuru wesangano reZimbabwe Miners Federation, Amai Apolonia Munzverengwi, avo vati madzimai akawanda ave kuda kupindawo mumabhizimisi ezvezvicherwa asi vanoshaya mari inodiwa kuti vaite izvi.

Pamusangano uyu pabudawo nyaya yekuti vamwe vanhukadzi vanenge vawana nzvimbo dzekuchera zvicherwa, kunyanya goridhe, vanosangana nedambudziko rekushungurudzwa nevamwe vanhu vanzi vanenge vachishandisa mazita evakuru vakuru munyaya dzematongerwo enyika, senzira yekuvabvisa panzvimbo idzi.

Mutevedzeri webazi rezvicherwa, VaFred Moyo, vaudza vatapi venhau kuti vange vasingakwanise kutaura zvakwanda pamusoro penyaya iyi sezvo vange vasati vambonzwa nezvayo.

Amai Munzverengwi vati zvisinei nezvhimhingamupinyi zvingavepo vanhukadzi vanofanirwa kutora mikana iripo yekupinda mumabasa kana mabhimisi ezvicherwa.

Muzvare Barbara Mutambanengwe ndivo mudzimai wekutanga munyika kuve nekambani inosuka mangoda.

Muzvare Mutambanegwe, avo vati vakashingirira kuenda mberi nekutanga kambani yavo yeKe Nako Diamond Processing zvisinei kuti vaisangana nezvimhingamupinyi zvakawanda, vatsinhirawo kuti vanhukadzi vatore mikana yekupinda mumabasa pamwe nemabhizimisi ezvezvicherwa.

Mumwe wevakuru veZimplats, VaStanley Segula, vati chinhu chinoziikanwa kuti vanhukadzi vanoita mabasa avanoita nemazvo nekuda kwekuzvipira vakatiwo kambani yavo yakatanga hurongwa hwekuwedzera vanhukadzi vanoshanda mukambani iyi pamwe nekubatsira mamwe madzimai kutanga mabhizimisi senzira yekubatsira kusimudzira hupenyu hwevanhu vemunharaunda yavanochera chicherwa chePlatinum.

Zvichakadaro vamwe vevanhu vari vane zviratidzwa zvavo pagungano iri vanoti chiitiko ichi, icho chinoitwa gore rega rega, chinoramba chakavakoshera nekuvapa mukana wekushambadza zvinhu zvavo.

VaKennedy Charimba veHardrock Mining Tools Private Limited, avo vanotengesa michina yakasiyana-siyana inoshandiswa mumabasa ezvicherwa vatiwo vanotarisira kuti kuvepo kwavo paMine Entra kuchabatsira kambani yavo.

Gungano reMine Entra regore rino nderechimakumi maviri nemaviri kubva zvakatanga kuitwa chirongwa ichi.

Makambani anosvika zana nemakumi maviri kusanganisira ekuSouth Africa neChina ari kuratidzira pachiitiko chegore rino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG