Madzishe nevanhuwo zvavo munzvimbo dzakawanda kumaruwa vanonzi vave kushushikana zvikuru nenyaya dzekudzingwa muzvimbo dzavagere kana pachinge pawanikwa zvicherwa.
Vagari vekuChpinge nekuMatabelaland vanoti hurumende iri kungopa vekunze vakaita sevekuRussia, Britain neChina mvumo yekutanga kutsvaga nekuchera zvicherwa izvi pasina kuwirirana nevagari.
KuChipinge, sangano rePlatform for Youth and Community Development rinoti riri kuyedza kuita misangano nevagari kuti vasatyorwere kodzero dzavo mushure mekunge munharaunda mavo mawanikwa mangoda nezvimwe zvicherwa zvakakosha.
Bepanhau reNewZimbabwe.com rinotiwo Ishe Jahana Khumalo vekuInsiza kuMatabeleland vakanyorawo tsamba kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachigunun’una nekupihwa mvumo kwekambani yePremier African Minerals yekuBritain kuti itange kutsvaga lithium munzvimbo yavo vasina kana kumbosumwa.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemigodhi VaWinston Chitando uye mutevedzerio wavo VaPolite Kambamura vange vasati vapindura mibvunzo yatakavatumira.
Mukuru wePlatform for Youth and Community Development VaClaris Madhuku vanoti kuChipinge kwaita nzvimbo dzakati wandeyi dziri kuwanikwa zvicherwa, kusanganisira kuRimbi, uko kwawanikwa mangoda pamqwe negoridhe.
Nekuda kwezvicherwa izvi, VaMadhuku vanoti vagari vave kutyira kuti vachabviswa mumisha yavo sezvo pakatouya imwe kambani yekuRussia ichizivisa kuti yave kuzochera zvicherwa mudunhu iri.
Facebook Forum